Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 12 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Muporofita Ezekieri anoyedzesera kutapwa

1 Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti,

2 “Iwe mwanakomana womunhu unogara pakati pemba yavanhu vakapanduka vane meso okuonesa asi havaoni, vane nzeve dzokunzwa asi havanzwi.

3 Nokuti ivo imba yakapanduka. Naizvozvo iwe mwanakomana womunhu zvigadzirire mutoro wenhapwa uende kuutapwa masikati machena vachiona. Unofanira kuenda senhapwa uchibva panzvimbo pako uchienda kune imwe nzvimbo ivo vachiona. Pamwe vanganzwisise kunyange vari imba yakapanduka.

4 Unofanira kuburitsa midziyo yako semidziyo yenhapwa masikati machena ivo vachiona. Iwe unofanira kuzoenda kumanheru ivo vachiona sezvinoitwa navanhu vanenge vachienda kuutapwa.

5 Unofanira kuzotiginura murusvingo ubude naipapo vakatarisa.

6 Uchaisa mutoro wako pamafudzi vachiona wobuda wakatakura murima ufukidze uso hwako kuitira kuti urege kuona nyika nokuti ndakakuita chiratidzo kumba yaIsiraeri.”

7 Saizvozvowo ndakaita sezvandakanga ndanzi ndiite ndikabuda nemidziyo yangu masikati machena semidziyo yenhapwa. Kuzoti mava mumanheru ndakatiginura namaoko angu ndikaboora rusvingo ndikabuda kunze murima ndakatakura nhumbi dzangu pamafudzi ivo vachiona.

8 Mangwanani acho shoko raTenzi rakauya kwandiri rikati,

9 “Nhai mwanakomana womunhu, handiti here iyo imba yaIsiraeri imba yevapanduki yakakubvunzaka kuti, chii chauri kuita?

10 Wochivaudza kuti, zvanzi naTenzi Mwari, ichochi ichi chiratidzo chinonangana nejinda reJerusaremu nemba yose yaIsiraeri iri mukati mavo.

11 Iti ndiri chiratidzo kwamuri. Sezvandangoita izvi ndozvavachaitwa ivo. Vachaenda senhapwa kuutapwa.

12 Nairowo jinda riri pakati pavo richatakura midziyo yaro pamapfudzi murima roenda rigotiginura murusvingo rigobuda naipapo. Achafukidza uso kuitira kuti asve arega kuona nyika ino nameso ake.

13 Ndichamukomba nomumbure wangu agobatwa neriva rangu ndigomuendesa kuBhabhironi kunyika yevaKaradhea, asi haasi kuzoiona, achafira ikoko.

14 Uye ndichamwararisa kumativi mana emhepo vose zvavo vanogara vakamukomberedza namakurukota ake nezvikwata zvake zvehondo zvose. Ndichavati vateveranwe navo nebakatwa.

15 “Vachaziva zvavo kuti ini ndini Tenzi pandinenge ndavamwararisa mukati memarudzi vachiti uyu kwake uyu kwake nomudzinyika.

16 Asi ndichaita kuti katsama kavo kapunyuke kubakatwa nokushangwa yenzara nokudenda kuri kuitira kuti vareurure zvinhu zvavo zvose zvinosemesa mukati memarudzi kwavachaenda, vazivewo kuti ini ndini Tenzi.”


Muporofita anofanofananidzira kudedera kuchaita vanhu

17 Uyezve izwi raTenzi rakauya kwandiri rikati,

18 “Iwe mwanakomana womunhu idya chingwa chako uchidedera unwewo mvura uchigwagwadza nokutya.

19 Utaure nezvevanhu venyika iyoyi kuti zvanzi naTenzi Mwari zvakanangana navagari veJerusaremu vari munyika yeIsiraeri vachadya chingwa chavo mukutya, mvura yavo vachainwa vakadumbirwa nokuti nyika yavo icharozvwa zvose zvainazvo ichiparirwa noutsinye hwavanhu vose vagere mairi.

20 Ipapo maguta agere vanhu achasara angova maguta asisina chinhu, nyikawo ichasara yangova nyika isina chinhu. Ndipo pamuchaziva kuti ini ndini Tenzi.”


Tsumo isingafanire kunge ichashandiswa

21 Zvino shoko raTenzi rakauya kwandiri rikati, “Nhai iwe mwanakomana womunhu,

22 itsumoi yamava kutaura nezvenyika yeIsiraeri yokuti, ‘Mazuva ari kuwanda aya, chiratidzo chose chose zvacho hapana chatinobura machiri?’

23 Saka naizvozvo chivaudza kuti zvanzi naTenzi Mwari tsumo iyoyi iyi ndichaimisa vagorega kuzomboishandisazve setsumo mukati meIsiraeri. Asi uvaudze kuti mazuva acho otosvika zvinorehwa nezviratidzo izvozvo zvose zvotoitika.

24 Ndinodaro nokuti hapazova nechioneso chenhema kana zvokushopera zvinongobata vanhu kumeso mukati memba yaIsiraeri.

25 Asi ini Tenzi ndichataura zvandinotaura zvichiitika, hazvichanonoka. Ndichataura chinhu chichiitika munguva yenyu iyoyo, imi imba yavapanduki.” Ndichati ndikataura chinhu chinobva chaiitika, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

26 Shoko raTenzi rakauyazve kwandiri richiti,

27 “Iwe mwanakomana womunhu chinzwa, vemba yaIsiraeri vari kuti zviratidzo zvaanoona zvichatora mazuva chaizvo, zvamaporofita ndezvemazuva achiri kure kure.

28 Naizvozvo chivataurira kuti, zvanzi naTenzi Mwari hapana chandichataura chichambononoka. Chandinenge ndataura chichabva chaitika,” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy