Online Bible

- Reklamy -

2 Timoti 3 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Mazuva okupedzisa

1 Nzwisisa izvi zvokuti kumazuva okupedzisira kuchauya nguva yenhamo

2 nokuti vanhu vachava vanhu vanozvida vanokara mari, vanozvikudza, vanozvitutumadza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina hanya naMwari

3 vasingamboona kuti munhu chii, vasingagoni kuyanana navamwe, vana makuhwa, madzenga avanhu, namagandanga zvawo, vavengi vezvinhu zvakanaka

4 navanhu vasingavimbiki, vanhu vasingabatiki pavo, vanozvitutumadza, vanoda mafaro kupinda Mwari

5 vanechitendero chechipameso ivo vachiramba simba racho. Siyana navanhu vakadaro.

6 Pakati pavo ndipo pana vamwe vanopinda mudzimba dzavanhu vachikachikira vakadzi vakaneta neta uye vakaremerwa nezvitadzo, vanopeperetswa nezvinhu zvose, zvose

7 vanotevera munhu wose wose vasingagoni kusvika pakunzwisisa chokwadi.

8 Sezvakaita Janesi naJamburesi vakapikisa Mosesi, saizvozvo vanhu ava vanopesanawo nechokwadi. Vane pfungwa dzakaora. Vanhu vakakundika muchitendero chavo.

9 Asi hapana kwavanosvika nokuti munhu wose achaziva upenzi hwavo sezvakangoitika kuna varume vaviri ava.


Yambiro yokupedzisa

10 Asi iwe wakanyatsoongorora zvandinodzidzisa, nomugariro wangu, nechinangwa changu muupenyu nechitendero changu nomwoyo murefu wangu norudo rwangu uye kuramba ndakatsungirira kwangu

11 nokutambudzwa kwangu uye nhamo dzangu nezvakandiwira kuAntioku nokuIkoniyo nokuRisitira nokutambudzwa kwandakatirira, asi Tenzi akandinunura kune zvose izvozvi.

12 Vose vanoda upenyu hwokuzvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwa

13 asi vanhu vakaipa navanobata vanhu kumeso vanoramba vachinyanya kutadza vachinyengedza vamwe ivowo vachinyengedzwa.

14 Asi iwe ramba uri munezvawakadzidza uye zvawadavira nemwoyo wose uchiziva kuti wakazvidzidza kuna vanaani.

15 Unofanira kuziva kuti waiziva kubvira pauduku hwako Magwaro Matsvene anokwanisa kukudzidzisa kuti uponeswe nechitendero chako muna Kristu Jesu.

16 Magwaro Matsvene ose akafemerwa naMwari uye ane basa pakudzidzisa napakutsiura napakugadziridza munhu uye pakudzidzisa kuita zvakanaka

17 kuti munhu waMwari ave akakwana akagadzirira basa ripi neripi rakanaka.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy