Online Bible

- Reklamy -

Zekaria 13 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi


Kushambidzwa paZvivi

1 “Pazuva iro imba yaDhavhidhi navagari vomuJerusarema, vachadziurirwa chitubu kuti vanatswe kubva pachivi nokusachena.

2 “Pazuva iro, ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, uye haangazorangarirwizve,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose! “Ndichabvisa zvose vaprofita nemweya wokusachena panyika.

3 Uye kana pana ani zvake acharamba achiprofita, baba vake namai vake vakamubereka, vachati kwaari, ‘Unofanira kufa, nokuti wakareva nhema muzita raJehovha.’ Paachaprofita, vabereki vake vachamubaya.

4 “Pazuva iro muprofita mumwe nomumwe achanyara nokuda kwechiratidzo chechiprofita chake. Haangazopfeki nguo yemvere yomuprofita kuti anyengere.

5 Achati, ‘Handisi muprofita. Ndiri murimi; ivhu ndiwo upenyu hwangu kubva pauduku hwangu.’

6 Kana mumwe munhu akamubvunza achiti, ‘Maronda aya ari pamuviri wako ndeeiko?’ achapindura achiti, ‘Maronda andakakuvadzwa paimba yeshamwari dzangu.’


Mufudzi arohwa, makwai akapararira

7 “Muka, iwe munondo, urwise mufudzi, urwise munhu ari pedyo neni!” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Rova mufudzi, makwai agopararira, uye ndichasimudza ruoko rwangu kuti rurwise madiki acho.

8 Munyika yose,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “zvikamu zviviri muzvitatu zvichaurayiwa zvigoparara; asi chikamu chimwe chete muzvitatu ndicho chichasaramo.

9 Chikamu chimwe chete ichochi muzvitatu ndichachiisa mumoto; ndichavanatsa sesirivha uye ndichavaedza segoridhe. Vachadana kuzita rangu uye ndichavapindura; ndichati, ‘Ndivo vanhu vangu.’ Uye ivo vachati, ‘Jehovha ndiye Mwari wedu.’ ”

Shona Contemporary Bible

Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®

Used by permission. All rights reserved worldwide.

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®

Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.

Biblica, Inc.
Následuj nás:



Reklamy