Online Bible

- Reklamy -

Isaya 21 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi


Chiprofita pamusoro peBhabhironi

1 Chirevo pamusoro peRenje riri pedyo neGungwa: Kufanana nechamupupuri chinovhuvhuta nomunyika yezasi, mupambi anouya achibva kurenje, kubva kunyika inotyisa.

2 Ndaratidzwa chiratidzo chinorwadza. Mupanduki anopanduka, muparadzi anotora zvokupamba Eramu, rwisa! Medhia, vandira! Ndichagumisa kugomera kwose kwaakaita kuti kuvepo.

3 Naizvozvo muviri wangu wakazara nokurwadziwa; marwadzo akandibata, kufanana nomukadzi ari kusununguka; ndiri kudzedzereka nezvandinonzwa, ndakanganisika nezvandinoona.

4 Mwoyo wangu woziya, kutya kwondidederesa; rubvunzavaeni rwandaishuva rwava chinyangadzo kwandiri.

5 Vanogadzira matafura, vanowaridza micheka pasi, vanodya, vanonwa! Simukai, imi machinda, zodzai nhoo!

6 Zvanzi naIshe kwandiri: “Endai, mundogadza nharirire uye muite kuti azivise zvaanoona.

7 Kana achiona ngoro namapoka amabhiza, navatasvi vari pamusoro pembongoro kana vatasvi vari pamusoro pengamera, ngaave akachenjera, akachenjera zvizere.”

8 Ipapo nharirire yakadanidzira ichiti, “Zuva nezuva, tenzi wangu, ndinomira pamusoro peshongwe yomurindi; usiku hwoga hwoga ndinogara panzvimbo yangu.

9 Tarirai, hoyo murume ari kuuya ari mungoro neboka ramabhiza. Uye anopa mhinduro achiti, ‘Bhabhironi rawa, rawa! Zvifananidzo zvose zvavamwari varo zvaputsirwa pasi!’ ”

10 Haiwa, vanhu vangu vapwanyirwa paburiro, ndinokuudzai zvandanzwa kubva kuna Jehovha Wamasimba Ose, kubva kuna Mwari waIsraeri.


Chiprofita pamusoro peEdhomu

11 Chirevo pamusoro peDhuma: Mumwe anodana kwandiri ari kuSeiri, achiti, “Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku? Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?”

12 Nharirire inopindura ichiti, “Mambakwedza achauya, asi nousikuwo. Zvino kana uchida kubvunza, bvunza; uye ugodzokazve.”


Chiprofita pamusoro peArabhia

13 Chirevo pamusoro peArabhia: Imi ngoro dzavaDhedhani, munodzika misasa mumatenhere eArabhia,

14 vigirai vane nyota mvura; imi munogara muTema, uyai nezvokudya zvavanotiza.

15 Vari kutiza munondo, kubva kumunondo wavhomorwa, nokuuta hwawemburwa, uye nokupisa kwehondo.

16 Zvanzi naJehovha kwandiri: “Pachinguva chegore rimwe chete, sokuverenga kungaita mushandi akabatwa nechibvumirano, kuzvikudza kwose kweKedhari kuchapera.

17 Varume vouta vachapunyuka, ivo mhare dzeKedhari vachava vashoma.” Jehovha, Mwari weIsraeri ataura.

Shona Contemporary Bible

Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®

Used by permission. All rights reserved worldwide.

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®

Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.

Biblica, Inc.
Následuj nás:



Reklamy