Estere 10 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona ChanhasiUkuru hwaModhekai 1 Mambo Zekisesi akadzika mutemo munyika yose, kusvika kumahombekombe egungwa. 2 Uye mabasa ake ose esimba noukuru nerondedzero youkuru hwaModhekai hwaakanga asimudzirwa namambo, haana kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eMedhia nePezhia? 3 Modhekai muJudha aiva wechipiri kubva kuna Mambo Zekisesi, mukuru pakati pavaJudha, uye airemekedzwa zvikuru noruzhinji rwehama dzake dzechiJudha, nokuti akatsvakira vanhu vake zvakanaka uye akakumbirira vaJudha vose kuti vagare zvakanaka. |
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.
Biblica, Inc.