La Biblia Online

- Anuncios -




Genesi 47:11 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

11 Ɀino Josefa akapa ɓaɓa ʋake naʋana ʋaɓaɓa ʋake pokugara, akaʋapa nɀimbo panyika yeEgipita, kuti iʋe yaʋo, pakaiȿo‐naka panyika iyo, panyika yeRamesesi, seɀaakarairwa naFarao.

Ver Capítulo Copiar

Shona Bible 1949 revised 2002

11 Zvino Josefa akapa baba vake navana vababa vake pokugara, akavapa nzvimbo panyika yeIjipiti, kuti ive yavo, pakaisvonaka panyika iyo, panyika yeRamesesi, sezvaakarairwa naFarao.

Ver Capítulo Copiar

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

11 Josefi akaita zvakarehwa naFarao, akapa baba vake nehama dzake pokugara munyika yeIjipiti. Akavapa matunhu akanaka kwazvo pedyo neguta rainzi Ramasesi.

Ver Capítulo Copiar

Bhaibhiri Idzva rechiShona

11 Josefi akaita zvakarehwa naFarao, akapa baba vake nehama dzake pokugara munyika yeIjipiti. Akavapa matunhu akanaka kwazvo pedyo neguta rainzi Ramasesi.

Ver Capítulo Copiar

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

11 Saka Josefa akagarisa baba vake namadzikoma ake munyika yeIjipiti uye akavapa nzvimbo mudunhu rakanakisisa munyika, dunhu reRamasesi, sokurayira kwaFaro.

Ver Capítulo Copiar




Genesi 47:11

Síguenos en:

Anuncios


Anuncios