La Biblia Online

- Anuncios -




Genesi 1:30 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

30 Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzeɗeŋga, neɀipenyu ɀose ɀinokambaira panyika, ɀinomŋeya woʋupenyu, ndakaɀipa miriʋo yose minyoro, kuti ɀiʋe ɀokudya ɀaɀo; ɀikaita saiɀoɀo.

Ver Capítulo Copiar

Shona Bible 1949 revised 2002

30 Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, nezvipenyu zvose zvinokambaira panyika, zvinemweya woupenyu, ndakazvipa miriwo yose minyoro, kuti zvive zvokudya zvazvo; zvikaita saizvozvo.

Ver Capítulo Copiar

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

30 Asi ndapa zvinomera zvinyoro kumhuka dzesango neshiri dzose dzedenga, nezvinokambaira nokuzvova napasi, nezvinhu zvipenyu zvose zvinofema kuti chive chokudya chazvo,” zvikabva zvaita saizvozvo.

Ver Capítulo Copiar

Bhaibhiri Idzva rechiShona

30 Asi ndapa zvinomera zvinyoro kumhuka dzesango neshiri dzose dzedenga, nezvinokambaira nokuzvova napasi, nezvinhu zvipenyu zvose zvinofema kuti chive chokudya chazvo,” zvikabva zvaita saizvozvo.

Ver Capítulo Copiar

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

30 Uye kumhuka dzose dzapanyika neshiri dzose dzedenga nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvose zvinofema, ndinozvipa miriwo minyoro kuti zvive zvokudya zvazvo.” Uye zvakaita saizvozvo.

Ver Capítulo Copiar




Genesi 1:30

Síguenos en:

Anuncios


Anuncios