Eksodo 10:14 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)14 Mhashu dzikaʋuya pamsoro penyika yose yeEgipita, dzikandomhara munyika yose yeEgipita; dzakaŋga dzakawanda kwaɀo; mhashu dzakaɗai hadzina‐kumboʋa’po kubva pakutaŋga, ʋuye dzakaita saidzodzo hadziŋgazoʋi’po ɀe. Ver CapítuloShona Bible 1949 revised 200214 Mhashu dzikauya pamusoro penyika yose yeIjipiti, dzikandomhara munyika yose yeIjipiti; dzakanga dzakawanda kwazvo; mhashu dzakadai hadzina kumbovapo kubva pakutanga, uye dzakaita saidzodzo hadzingazovipozve. Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika14 Mhashu dzacho dzakauya dzakawanda kwazvo munyika yose yeIjipiti, dzikamhara zvokuti tsvete nyika yose zvayo yeIjipiti. Mhashu dzakadai hadzina kumboonekwa kubvira pasi chigare uye hadzizombofi dzakaonekwazve. Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona14 Mhashu dzacho dzakauya dzakawanda kwazvo munyika yose yeIjipiti, dzikamhara zvokuti tsvete nyika yose zvayo yeIjipiti. Mhashu dzakadai hadzina kumboonekwa kubvira pasi chigare uye hadzizombofi dzakaonekwazve. Ver CapítuloBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi14 dzakazadza Ijipiti yose uye dzikamhara munzvimbo dzose dzenyika dzakawanda zvikuru. Hakuna kutongova nedambudziko remhashu rakadai, uye harichazombovapozve. Ver Capítulo |