Eksodo 39:3 - Shona Bible 1949 revised 20023 Vakapambadzira ndarama, vakaita mabape matete, vakaicheka, vakaita nhare dzokusonisa nadzo zvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka yakarukwa, riri basa romunhu anogona. Ver CapítuloBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 Ʋakapambadzira ndarama, ʋakaita maɓape matete, ʋakaiceka, ʋakaita nhare dzokusonisa nadzo ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka yakarukwa, riri ɓasa romunhu unogona. Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Vakapfura ndarama vachiita mapape. Vakacheka-cheka mapape endarama iwayo vachiita tutseta tutetetete, twakazorukirwa mumachira erineni akanakisisa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku. Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona3 Vakapfura ndarama vachiita mapape. Vakacheka-cheka mapape endarama iwayo vachiita tutseta tutetetete, twakazorukirwa mumachira erineni akanakisisa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku. Ver CapítuloBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Vakapambadzira goridhe rikava marata matete uye vakagura tuwaya kuti tupfekerwe muwuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye mumucheka wakaisvonaka, basa remhizha ino unyanzvi. Ver Capítulo |