Danieri 2:25 - Shona Bible 1949 revised 200225 Ipapo Arioki akaisa Dhanieri pamberi pamambo nokukasira, akati kwaari, “Ndawana munhu pakati pavana vokutapwa vaJudha, achazivisa mambo kududzirwa kwazvo.” Ver CapítuloBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)25 Ipapo Arioki akaisa Danieri pamberi pamambo nokukasira, akati kwaari: Ndawana munhu pakati paʋana ʋokutapxa ʋaJuda, ucaziʋisa mambo kuɗudzirwa kwaɀo. Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika25 Arioku akabva akurumidzawo kusvitsa Dhanieri pana mambo akasuma kuna mambo achiti, “Ndazowana munhu mukati menhapwa dzakatapwa kwaJudha anogona kuzivisa mambo dudziro iya.” Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona25 Arioku akabva akurumidzawo kusvitsa Dhanieri pana mambo akasuma kuna mambo achiti, “Ndazowana munhu mukati menhapwa dzakatapwa kwaJudha anogona kuzivisa mambo dudziro iya.” Ver CapítuloBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi25 Arioki akaenda naDhanieri kuna mambo nokukurumidza uye akati kwaari, “Ndawana munhu pakati pavakatapwa vokwaJudha anogona kuudza mambo zvinoreva chiroto chavo.” Ver CapítuloShona BIBLE25 Ipapo Arioki akaisa Dhanieri pamberi pamambo nokukasira, akati kwaari, “Ndawana munhu pakati pavana vokutapwa vaJudha, achazivisa mambo kududzirwa kwazvo.” Ver Capítulo |