La Biblia Online

- Anuncios -




Danieri 1:4 - Shona Bible 1949 revised 2002

4 majaya akanga asina mhosva, asi akanga akanaka pameso, akachenjera panjere dzose, akangwara pakuziva, nokunzwisisa uchenjeri hwose, akanga akakwana kumira mumba mamambo; uye kuti avadzidzise magwaro norurimi rwavaKaradhea.

Ver Capítulo Copiar

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

4 majaya akaŋga asinemhoȿa, asi akaŋga akanaka pameso, akacenjera panjere dzose, akaŋgwara pakuziʋa, nokunzwisisa ʋucenjeri bgose, akaŋga akakwana kumira mumba mamambo; ʋuye kuti aʋadzidzise magwaro norurimi rwaʋaKardea.

Ver Capítulo Copiar

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

4 uye vari majaya asina chinoshoreka ane chimiro chakarurama dziri nyanzvi chaidzo dzino ungwaru hwose zvahwo, uyewo vari vanhu vano ruzivo vanonzwisisa zvokudzidza, vanogona kushandawo mumuzinda wamambo. Akamuti avadzidzise zvinyorwa zvorurimi rwechiKaridhea.

Ver Capítulo Copiar

Bhaibhiri Idzva rechiShona

4 uye vari majaya asina chinoshoreka ane chimiro chakarurama dziri nyanzvi chaidzo dzino ungwaru hwose zvahwo, uyewo vari vanhu vano ruzivo vanonzwisisa zvokudzidza, vanogona kushandawo mumuzinda wamambo. Akamuti avadzidzise zvinyorwa zvorurimi rwechiKaridhea.

Ver Capítulo Copiar

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

4 majaya asina chinongo pamiviri yavo, vakanaka, vanoratidza njere padzidzo yose, vanokurumidza kunzwisisa, uye vakakodzera kushumira, mumuzinda wamambo. Aizovadzidzisa mutauro namagwaro avaBhabhironi.

Ver Capítulo Copiar

Shona BIBLE

4 majaya akanga asina mhosva, asi akanga akanaka pameso, akachenjera panjere dzose, akangwara pakuziva, nokunzwisisa uchenjeri hwose, akanga akakwana kumira mumba mamambo; uye kuti avadzidzise magwaro norurimi rwavaKaradhia.

Ver Capítulo Copiar




Danieri 1:4

Síguenos en:

Anuncios


Anuncios