Mateo 6:6 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika6 Asi kana iwe wava kunamata, pinda mumba mako uzarire gonhi rako unamate kuna Baba vako vari muchivande. Ivo Baba vako vanoona zviri muchivande, vachakupa mubayiro. Ver CapítuloBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)6 Asi iwe, kana ucinyeŋgetera, pinda muimba yako yomukati; kana wazarira mukoʋa wako, unyeŋgetere kunaƂaɓa ʋako ʋari pakaʋanda; ɀino Ƃaɓa ʋako ʋanoʋona pakaʋanda, ʋacakupa muɓairo. Ver CapítuloShona Bible 1949 revised 20026 “Asi iwe, kana uchinyengetera, pinda mumba mako, kana wazarira mukova wako, unyengetere kunaBaba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubayiro. Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika6 Asi kana iwe wava kunamata, pinda mumba mako uzarire gonhi rako unamate kuna Baba vako vari muchivande. Ivo Baba vako vanoona zviri muchivande, vachakupa mubayiro. Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona6 Asi kana iwe wava kunamata, pinda mumba mako uzarire gonhi rako unamate kuna Baba vako vari muchivande. Ivo Baba vako vanoona zviri muchivande, vachakupa mubayiro. Ver CapítuloBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi6 Asi paunonyengetera, pinda mumba mako, ugopfiga musiwo uye ugonyengetera kuna Baba vako avo vasingaonekwi. Ipapo Baba vako avo vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro. Ver Capítulo |