Mariko 3:5 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika5 Zvino iye akaringa–ringa achivatarisa nehasha, achisiririswa nokuomarara mwoyo kwavo, ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye ndokutambanudza, ruoko rwake rukabva rwatwasanuka. Ver CapítuloBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)5 Ɀino wakati ariŋga‐riŋga aciʋatarira nokutsamŋa, aneshuŋgu nokuɗa kwokuwoma kwemŋoyo yaʋo, akati kumunhu: Tambanudza ruʋoko rwako. Akarutambanudza, ruʋoko rwake rukaʋandudzwa. Ver CapítuloShona Bible 1949 revised 20025 Zvino akati aringa-ringa achivatarira nokutsamwa, ane shungu nokuda kwokuoma kwemwoyo yavo, akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, ruoko rwake rukapora. Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika5 Zvino iye akaringa–ringa achivatarisa nehasha, achisiririswa nokuomarara mwoyo kwavo, ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye ndokutambanudza, ruoko rwake rukabva rwatwasanuka. Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona5 Zvino iye akaringa–ringa achivatarisa nehasha, achisiririswa nokuomarara mwoyo kwavo, ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye ndokutambanudza, ruoko rwake rukabva rwatwasanuka. Ver CapítuloBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi5 Atsamwa, akatarisa vanhu vose vakanga vakamukomberedza, uye ashungurudzwa nokuda kwokusindimara kwemwoyo yavo akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, uye ruoko rwake rukaporeswa. Ver Capítulo |