La Biblia Online

- Anuncios -

Rute 2:11 - Bhaibhiri Idzva rechiShona

11 Bhoazi akamupindura achiti, “Zvose zvawakaitira vamwene vako kubvira panguva yakafa murume wako ndakanyatsozvirondedzerwa. Ndakaudzwawo nezvokusiya kwawakaita baba wako naamai vako, nokusiyawo kwawakaita nyika yokwako ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare.

Ver Capítulo Copiar

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

11 Boazi akapindura, akati kwaari: Ndakaziʋiswa ɀose ɀawakaitira ʋamŋene ʋako kubva pakufa kwomurume wako, kuti wakasiya ɓaɓa ʋako namai ʋako nenyika kwawakaɓerekerwa, ukaʋuya kuʋanhu ʋawakaŋga usiŋgaziʋi kare.

Ver Capítulo Copiar

Shona Bible 1949 revised 2002

11 Bhoazi akapindura akati kwaari, “Ndakaziviswa zvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa kwomurume wako, kuti wakasiya baba vako namai vako nenyika kwawakaberekerwa, ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare.

Ver Capítulo Copiar

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

11 Bhoazi akamupindura achiti, “Zvose zvawakaitira vamwene vako kubvira panguva yakafa murume wako ndakanyatsozvirondedzerwa. Ndakaudzwawo nezvokusiya kwawakaita baba wako naamai vako, nokusiyawo kwawakaita nyika yokwako ukauya kuvanhu vawakanga usingazivi kare.

Ver Capítulo Copiar

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

11 Bhoazi akapindura achiti, “Ndakaudzwa pamusoro pezvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa kwomurume wako, uye kuti wakasiya sei baba vako namai vako uye nenyika yokwako ukauya kuzogara navanhu vawakanga usingazivi.

Ver Capítulo Copiar

Rute 2:11

Síguenos en:

Anuncios

Anuncios