La Biblia Online

- Anuncios -

Mika 5:4 - Bhaibhiri Idzva rechiShona

4 Mwana iyeyo ndiye achatozomira chaizvo achifudza danga rake rezvipfuwo aine simba raTenzi, aine chiremera chezita raTenzi Mwari wake uye vachanyatsogara zvakanaka nokuti ukuru hwake huchasvika kwakaperera nyika.

Ver Capítulo Copiar

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

4 Ucamira, ndokufudza makwai ake nesimba raJehova, noʋumambo bgezita raJehova Mŋari wake; ɀino ʋacagara ɀakanaka, nokuti ɀino ucaʋa mukuru kuȿikira kumigumo yenyika.

Ver Capítulo Copiar

Shona Bible 1949 revised 2002

4 Achamira, ndokufudza makwai ake nesimba raJehovha, noumambo hwezita raJehovha Mwari wake; zvino vachagara zvakanaka, nokuti zvino achava mukuru kusvikira kumigumo yenyika.

Ver Capítulo Copiar

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

4 Mwana iyeyo ndiye achatozomira chaizvo achifudza danga rake rezvipfuwo aine simba raTenzi, aine chiremera chezita raTenzi Mwari wake uye vachanyatsogara zvakanaka nokuti ukuru hwake huchasvika kwakaperera nyika.

Ver Capítulo Copiar

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

4 Achamira agofudza boka rake musimba raJehovha, muukuru hwezita raJehovha Mwari wake. Uye vachagara norugare, nokuti ipapo kukura kwake kuchasvika kumagumo enyika.

Ver Capítulo Copiar

Mika 5:4

Síguenos en:

Anuncios

Anuncios