Johane 9:22 - Bhaibhiri Idzva rechiShona22 Vabereki vake vakadaro pamusana pokuti vaitya vaJudha nokuti vaJudha vakanga vatorangana kuti munhu anenge angoti iye ndiye Mesia anofanira kudzingwa muSinagogu. Ver CapítuloBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)22 Ʋaɓereki ʋake ʋakareʋa iɀoɀo, nokuti ʋaitya ʋaJuda, nokuti ʋaJuda ʋakaŋga ʋatotenderana, kuti kana kuciŋge kunomunhu unotenda kuti ndiye Kristu, aɓuɗiswe musinagoge. Ver CapítuloShona Bible 1949 revised 200222 Vabereki vake vakareva izvozvo, nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana, kuti kana kuchinge kune munhu anotenda kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge. Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika22 Vabereki vake vakadaro pamusana pokuti vaitya vaJudha nokuti vaJudha vakanga vatorangana kuti munhu anenge angoti iye ndiye Mesia anofanira kudzingwa muSinagogu. Ver CapítuloBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi22 Vabereki vake vakataura izvi nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana kuti ani naani anenge angopupura kuti Jesu ndiye Kristu aizofanira kubudiswa musinagoge. Ver Capítulo |