Eksodo 5:19 - Bhaibhiri Idzva rechiShona19 VaIsiraeri ava vokutungamirira vamwe pabasa, vakaona kuti vatova munjodzi huru pavakanzi, “Mugwazo wenyu wezvidhina wamazuva ose hauzotapudzwa.” Ver CapítuloBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)19 Ɀino ʋatariri ʋaʋana ʋaIsraeri ʋakaʋona kuti ʋari panjodzi, ɀaɀakanzi: Hamuŋgatapudzi paɀitina ɀenyu, ɀamunofanira kuita mazuʋa ose. Ver CapítuloShona Bible 1949 revised 200219 Zvino vatariri vavana vaIsiraeri vakaona kuti vari panjodzi, zvazvakanzi, “Hamungatapudzi pazvitina zvenyu, zvamunofanira kuita mazuva ose.” Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika19 VaIsiraeri ava vokutungamirira vamwe pabasa, vakaona kuti vatova munjodzi huru pavakanzi, “Mugwazo wenyu wezvidhina wamazuva ose hauzotapudzwa.” Ver CapítuloBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi19 Vakuru vakuru vavaIsraeri vakaona kuti vapinda mudambudziko pavakaudzwa kuti, “Hamufaniri kutapudza uwandu hwezvidhina zvamakatarirwa pazuva rimwe.” Ver Capítulo |