ƲaEfeso 2:3 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Isu tose taigara pakati pavo pane imwe nguva, tichikudza kuchiva kwenyama yedu yezvivi uye tichitevera zvido zvedu nezvataifunga. Sezvakangoita vamwe vose, pakuzvarwa kwedu takanga tiri vana vokutsamwirwa. Ver CapítuloBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 ʋataifamba tose pakati paʋo kare, mukuciʋa kwenyama yeɗu, ticiita kuɗa kwenyama nokwokufuŋga kweɗu, napakuɀarwa kweɗu isu naʋamŋe ʋose taiʋa ʋana ʋokutsamŋirwa. Ver CapítuloShona Bible 1949 revised 20023 vataifamba tose pakati pavo kare, mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nokwokufunga kwedu, nopakuzvarwa kwedu isu navamwe vose taiva vana vokutsamwirwa. Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Isuwo tose takambogarawo mukati mazvo tichitevera havi dzomuviri wedu, tichitevera zvinoda muviri nepfungwa dzedu. Naizvozvo takanga takazvarirwa shamhu sezvakanga zvangoitawo vanhu vose. Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona3 Isuwo tose takambogarawo mukati mazvo tichitevera havi dzomuviri wedu, tichitevera zvinoda muviri nepfungwa dzedu. Naizvozvo takanga takazvarirwa shamhu sezvakanga zvangoitawo vanhu vose. Ver Capítulo |