Numeri 4:16 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi16 “Ereazari mwanakomana waAroni, muprista, anofanira kuva mutariri wamafuta emwenje, zvinonhuhwira, chipiriso chezviyo chamazuva ose uye namafuta okuzodza. Anofanira kuva mutariri wetabhenakeri yose nezvinhu zvose zviri mairi, kusanganisira nemidziyo yayo mitsvene.” Ver CapítuloBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)16 Ƃasa raEreazari, mŋanakomana waAroni muprista, nderamafuta okuvenekesa nawo, neɀinonhuwira ɀakanaka, necipiriso coʋupfu camazuʋa ose, namafuta okuzodza nawo, nokuceŋgeta tabernakeri yose neɀose ɀiri’mo, neimba tȿene, nenhumbi dzayo. Ver CapítuloShona Bible 1949 revised 200216 Basa raEreazari, mwanakomana waAroni mupristi, nderamafuta okuvhenekesa nawo, nezvinonhuwira zvakanaka, nechipiriso choupfu chamazuva ose, namafuta okuzodza nawo, nokuchengeta tabhenakeri yose nezvose zvirimo, neimba tsvene, nenhumbi dzayo.” Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika16 Ereazari mwanakomana womupristi Aroni, ndiye ane basa rezvemafuta okuisa mumarambi, norusenzi noupfu hwomipiro yembesanwa, namafuta okuzodzesa nezvimwe zvose zvomutendhe rinoera nemidziyo yemo. Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona16 Ereazari mwanakomana womupristi Aroni, ndiye ane basa rezvemafuta okuisa mumarambi, norusenzi noupfu hwomipiro yembesanwa, namafuta okuzodzesa nezvimwe zvose zvomutendhe rinoera nemidziyo yemo. Ver Capítulo |