Mupiro 7:29 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi29 “Uti kuvana veIsraeri, ‘Munhu wose anouya nechipiriso chokuwadzana kuna Jehovha anofanira kuuya nechikamu chacho sechibayiro kuna Jehovha. Ver CapítuloBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)29 Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Munhu unoɓayira Jehova ciɓayiro cake ceɀipiriso ɀokuyananisa, unofanira kuʋuya necipo cake kunaJehova cinobva paciɓayiro ceɀipiriso ɀake ɀokuyananisa; Ver CapítuloShona Bible 1949 revised 200229 “Taura navana vaIsiraeri uti, ‘Munhu unobayira Jehovha chibayiro chake chezvipiriso zvokuyananisa, anofanira kuuya nechipo chake kuna Jehovha chinobva pachibayiro chezvipiriso zvake zvokuyananisa; Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika29 “Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Munhu anopira kuna Tenzi zvibayiro zvemipiro yake yokuwadzana, ngaauye nomupiro wake kuna Tenzi.’ Pachibayiro chake chokuwadzana, Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona29 “Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Munhu anopira kuna Tenzi zvibayiro zvemipiro yake yokuwadzana, ngaauye nomupiro wake kuna Tenzi.’ Pachibayiro chake chokuwadzana, Ver Capítulo |