Genesi 6:20 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi20 Zviviri zviviri kubva kumhando dzose dzeshiri, nokubva kumhando dzose dzemhuka nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvichauya kwauri kuti zvichengetwe zviri zvipenyu. Ver CapítuloBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)20 Shiri namarudzi adzo, neɀipfuwo namarudzi aɀo, neɀinokambaira pasi ɀose namarudzi aɀo, ɀicaʋuya kwauri ɀiʋiri‐ɀiʋiri ɀamarudzi ose, kuti ɀiraramiswe. Ver CapítuloShona Bible 1949 revised 200220 Shiri namarudzi adzo, nezvipfuwo namarudzi azvo, nezvinokambaira pasi zvose namarudzi azvo, zvichauya kwauri zviviri zviviri zvamarudzi ose, kuti zviraramiswe. Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika20 Utorewo zviviri zviviri pamhando yoga yoga yeshiri nemhuka nezvinokambaira nokuzvova napasi zvirarame. Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona20 Utorewo zviviri zviviri pamhando yoga yoga yeshiri nemhuka nezvinokambaira nokuzvova napasi zvirarame. Ver Capítulo |