Genesi 45:23 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi23 Uye izvi ndizvo zvaakatumira kuna baba vake: Mbongoro hono gumi dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveIjipiti, nembongoro hadzi gumi dzakanga dzakatakura zviyo nechingwa nezvimwe zvembuva yorwendo. Ver CapítuloBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)23 Naɓaɓa ʋake wakaʋatumira mboŋgoro dzinegumi, dzakaŋga dzakatakura ɀinhu ɀakaiȿo‐naka ɀeEgipita, namakadzi emboŋgoro anegumi akaŋga akatakura ɀiyo, neciŋgwa, neɀokudya ɀaɓaɓa ʋake ɀorwendo. Ver CapítuloShona Bible 1949 revised 200223 Nababa vake akavatumira mbongoro dzine gumi, dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveIjipiti, namakadzi embongoro ane gumi akanga akatakura zviyo, nechingwa, nezvokudya zvababa vake zvorwendo. Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika23 Akatumira baba vake madhongi gumi makono akanga akatakura zvinhu zvakanaka zvomuIjipiti. Akatakudzawo mamwe madhongi makadzi gumi mbesanwa nechingwa nezvokudya zvababa wake zvaparwendo. Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona23 Akatumira baba vake madhongi gumi makono akanga akatakura zvinhu zvakanaka zvomuIjipiti. Akatakudzawo mamwe madhongi makadzi gumi mbesanwa nechingwa nezvokudya zvababa wake zvaparwendo. Ver Capítulo |