Eksodo 3:7 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi7 Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndaona kutambudzika kwavanhu vangu muIjipiti. Ndanzwa kuchema kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa, uye ndinoziva kutambudzika kwavo. Ver CapítuloBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)7 Ɀino Mŋari akati: Ɀirokwaɀo, ndakaʋona kunetswa kwaʋanhu ʋaŋgu ʋari muEgipita, ndikanzwa kuɗanidzira kwaʋo nokuɗa kwaʋatariri ʋaʋo ʋamaɓasa; nokuti ndinoziʋa kucema kwaʋo; Ver CapítuloShona Bible 1949 revised 20027 Zvino Mwari akati, “Zvirokwazvo, ndakaona kunetswa kwavanhu vangu vari muIjipiti, ndikanzwa kudanidzira kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa; nokuti ndinoziva kuchema kwavo; Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika7 Tenzi ndokuti, “Ndanyatsoona kutambudzwa kwavanhu vangu vari muIjipiti. Ndanzwa kuchema kwavo nokuti vari kuoneswa nhamo navanhu vari kuvashandisa. Ndinoziva nhamo dzavo dzose. Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona7 Tenzi ndokuti, “Ndanyatsoona kutambudzwa kwavanhu vangu vari muIjipiti. Ndanzwa kuchema kwavo nokuti vari kuoneswa nhamo navanhu vari kuvashandisa. Ndinoziva nhamo dzavo dzose. Ver Capítulo |