Eksodo 2:5 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi5 Ipapo mwanasikana waFaro akaburuka akaenda kurwizi Nairi kuti andoshamba, uye varandakadzi vake vakanga vachifamba vachitevedza mahombekombe. Akaona tswanda pakati petsanga ndokubva atuma murandakadzi wake kuti andoitora. Ver CapítuloBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)5 Ɀino mukunda waFarao wakaɓuruka kundoshamba murwizi, ʋasikana ʋake ʋakafamba‐famba pamhenderekedzo dzorwizi; iye akaʋona tswanda pakati petsaŋga, ndokutuma musikana wake kundoitora. Ver CapítuloShona Bible 1949 revised 20025 Zvino mukunda waFarao akaburuka kundoshamba murwizi, vasikana vake vakafamba-famba pamhenderekedzo dzorwizi; iye akaona tswanda pakati petsanga, ndokutuma musikana wake kundoitora. Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika5 Zvino mukunda waFarao akadzika kurwizi kuzoshamba muviri. Vasikana vaimushandira vaiva naye vaifamba munyasi memahombekombe erwizi. Mukunda waFarao akaona tswanda iya iri mutsanga, akatuma mumwe musikana aimushandira kundoitora. Ver CapítuloBhaibhiri Idzva rechiShona5 Zvino mukunda waFarao akadzika kurwizi kuzoshamba muviri. Vasikana vaimushandira vaiva naye vaifamba munyasi memahombekombe erwizi. Mukunda waFarao akaona tswanda iya iri mutsanga, akatuma mumwe musikana aimushandira kundoitora. Ver Capítulo |