Ɀireʋo 1 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Ƃasa reɀireʋo. 1 Ɀireʋo ɀaSoromoni, mŋanakomana waDavidi, mambo waIsraeri: 2 Kuti ʋanhu ʋaziʋe ʋucenjeri nokurairirwa; Nokunzwisisa mashoko enjere; 3 Ʋarairirwe nzira yokuŋgwara, Neyokururama, nokururamisa, nokutendeka; 4 Ʋasinamano ʋapiwe kuŋgwara, Jaya ripiwe ziʋo nokucenjera; 5 Kuti wakacenjera anzwe, awedzere kudzidza; Nomunhu wenjere awane mano akanaka. 6 Ʋanzwisise cireʋo nomufananidzo, Mashoko aʋakacenjera neɀirabge ɀaʋo. Munhu ŋgaanɀeŋge ʋatadzi ʋanonyeŋgedzera. 7 Kutya Jehova ndiko kuʋamba kweziʋo; Mapenzi anoshoʋora ʋucenjeri nokurairirwa. 8 Mŋanakomana waŋgu, inzwa kurairira kwaɓaɓa ʋako; Usarasha kudzidzisa kwamai ʋako. 9 Nokuti ɀicaʋa cishoŋgo cakanaka pamusoro wako, Noʋuketani pamutsipa wako. 10 Mŋanakomana waŋgu, kana ʋatadzi ʋacikugombedzera, Usatenda iwe. 11 Kana ʋaciti: Hendei tose, Ŋgatirindire ropa; Ŋgatiʋandire ʋasinemhoȿa kunyaŋge pasinemhaka. 12 Ŋgatiʋamedze ʋari ʋapenyu seSheori, Ʋari ʋakukutu saiʋo ʋanoɓurukira kugomba. 13 Ticawana fuma yamarudzi mazhinji; Ticazadza dzimba dzeɗu neɀatakapamba; 14 Iwe ucaʋa mumŋe weɗu; Tose ticaʋa necikwama cimŋe cete; 15 Mŋanakomana waŋgu, usafamba naʋo nenzira yaʋo; Dzora rutsoka rwako panzira yaʋo; 16 Nokuti tsoka dzaʋo dzinoʋaŋgira ɀakaipa; Ʋanokurumidza kuɗurura ropa. 17 Nokuti mumbure unodzikirwa pasina Shiri dzamarudzi ose dziciɀiʋona. 18 Ʋanhu aʋa ʋanogarira ropa raʋo ʋamene; Ʋanoɀiʋandira ʋupenyu bgaʋo. 19 Ndiɀo ɀakaita ʋo nzira dzaʋose ʋanokarira fuma; Ɀinotorera mŋene waɀo ʋupenyu bgake. Ʋucenjeri ʋunoɗana ʋasinenjere. 20 Ʋucenjeri ʋunoɗanidzira panzira dzomumusha; Ʋunonzwisa inzwi rabgo panɀimbo dzakafara; 21 Ʋunoɗana panɀimbo panoʋuŋgana ʋazhinji; Paʋanopinda pamasuʋo, Paguta, ndi’po paʋunotaura mashoko abgo, ʋuciti: 22 Nhai imi ʋasinamano, mucaɗa kusaʋa‐namano kuȿikira riniko? Nemi ʋaseki kufarira kuseka kwenyu, Namapenzi kuʋeŋga ziʋo? 23 Dzokai kana mucinzwa kuraira kwaŋgu, Tarirai ndicaɗurura mŋeya waŋgu pamsoro penyu; Ndicakuziʋisai mashoko aŋgu. 24 Ɀandakaɗana, imi mukaramba; Ndikatambanudza ruʋoko rwaŋgu, kukasaʋa nomunhu wakaraŋgarira; 25 Asi makaɀidza mano aŋgu ose, Mukaramba cose kuraira kwaŋgu, 26 Naiɀoɀo neni ʋo ndicaseka kana maʋa munhamo yenyu; Ndicakuɗaɗirai, kana kutya kwenyu kuciȿika. 27 Kana kutya kwenyu kuciȿika seɗutu guru, Nenhamo yenyu iciȿika secampupuri; Kana kutambudzika nokuɗumbirwa ɀicikuwirai. 28 Neŋguʋa iyo ʋacaɗana kwandiri, asi handiŋgapinduri; Ʋacanditȿaka ɀikuru, asi haʋaŋgandiwani. 29 Ɀaʋakaʋeŋga ziʋo, Ʋakasaɀitsaurira kutya Jehova, 30 Ʋakaramba mano aŋgu ose, Ʋakashoʋora kuraira kwaŋgu kwose, 31 Naiɀoɀo ʋacadya ɀiɓereko ɀenzira yaʋo; Ʋacagutswa namano aʋo. 32 Nokuti kudzokera shure kwaʋasinamano kucaʋaʋuraya, Kusaʋa nehanya kwamapenzi kucaaparadza. 33 Asi aninani unonditerera ucagara ɀakasimba, Ucagadzikana, asiŋgatyi ɀakaipa. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society