Aanlyn Bybel

- Advertensies -

ƲaRoma 1 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Kwaziso.

1 Pauro, muranda waKristu Jesu, wakaɗanwa kuti aʋe muapostora, wakatsaurirwa Evaŋgeri yaMŋari,

2 yaakapikira kare naʋaprofita ʋake muMagwaro matȿene,

3 ɀoMŋanakomana wake, wakabva kurudzi rwaDavidi panyama,

4 wakaratidzwa nesimba paMŋeya woʋutȿene, kuti ndiye Mŋanakomana waMŋari, nokumuka kwake kuʋakafa; ndiye Jesu Kristu, Ishe weɗu,

5 watakagamucira naye nyasha noʋuapostora, kuti pakati paʋahedeni ʋose, paʋe nokuterera kwokutenda nokuɗa kwezita rake;

6 nemi ʋo muri pakati paʋo, makaɗanwa kuti muʋe ʋaJesu Kristu;

7 kunaʋose ʋari muRoma, ʋaɗikanwa ʋaMŋari, ʋakaɗanwa kuti ʋaʋe ʋatȿene: Nyasha ŋgadziʋe nemi norugare, ɀinobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, nokunaShe Jesu Kristu.


Ruɗo rwaPauro kuʋaRoma.

8 Pakutaŋga, ndinoʋoŋga Mŋari waŋgu munaJesu Kristu, pamsoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzirwa panyika yose.

9 Nokuti Mŋari capupu caŋgu, iye wandinoshumira mumŋeya waŋgu muEvaŋgeri yoMŋanakomana wake, kuti handiregi kukuraŋgarirai,

10 ndicikumbira ŋguʋa dzose pakunyeŋgetera kwaŋgu, kuti ɀimŋe ndifambiswe haŋgu ɀakanaka ndiʋuye kwamuri nokuɗa kwaMŋari.

11 Nokuti ndinoɗa ɀikuru kukuʋonai, kuti ndikupei cimŋe cipo comŋeya, kuti musimbiswe.

12 Ndokuti ini ndinyaradzwe pamŋe cete nemi pakati penyu, mumŋe nomumŋe nokutenda kwomumŋe, kwenyu nokwaŋgu.

13 Handiɗi kuti musaziʋa, hama dzaŋgu, kuti kazhinji ndaiɗa kuʋuya kwamuri, (ndikadziʋiswa kuȿikira ɀino), kuti ndiʋe neɀiɓereko kwamuri ʋo, sapakati paʋamŋe ʋahedeni.

14 Ndineŋgaʋa kuʋaGiriki nokuʋatorwa, kuʋakacenjera naʋasina‐kucenjera.

15 Naiɀoɀo, kana ndirini, ndakaɀigadzira kukuparidzirai ʋo Evaŋgeri, imi muri paRoma.

16 Nokuti handinyari pamsoro peEvaŋgeri; nokuti isimba raMŋari rokuponesa mumŋe nomumŋe unotenda, kutaŋga muJuda, ʋuye muGiriki ʋo.

17 Nokuti mairi kururama kwaMŋari kunoratidzwa kunobva pakutenda kucienda kukutenda; seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Wakarurama ucararama nokutenda.


Kurashika kwaʋahedeni.

18 Nokuti kutsamŋa kwaMŋari kunoratidzwa, kucibva kuɗeŋga, pamsoro pokusaɗa Mŋari kwose nokusarurama kwaʋanhu, ʋanodziʋisa ɀokwaɗi nokusarurama;

19 nokuti iɀo ɀiŋgazikanwa ɀaMŋari ɀinoʋonekwa mukati maʋo, nokuti Mŋari wakaɀiratidza iɀo kwaʋari.

20 Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, iɀo ɀake ɀisiŋgaʋonekwi, iro simba rake risiŋgaperi noʋuMŋari bgake, ɀinoʋonekwa kwaɀo, ɀicizikanwa paɀinhu ɀakaitwa; kuti ʋarege kuʋa nepembedzo;

21 nokuti ʋaiziʋa Mŋari, asi haʋana‐kumukudza saMŋari, kana kumuʋoŋga; asi ʋakafuŋga ɀisinamaturo, nemŋoyo yaʋo isineziʋo, ikaȿiɓiswa.

22 Ʋaciti, takacenjera, ʋakaʋa mapenzi;

23 ʋakashandura kubginya kwaMŋari usiŋgafi, ʋakakuita mufananidzo wakafanana nomunhu unofa, neshiri, nemhuka dzinamakumbo manna, neɀinokambaira.

24 Saka Mŋari, mukuciʋa kwemŋoyo yaʋo, akaʋaisa kutȿina, kuti ʋanyadzise miʋiri yaʋo pakati paʋo.

25 Aʋo ʋakatsinhanha ɀokwaɗi yaMŋari nenhema, ʋakanamata nokushumira cisikwa kupfura Musiki, iye unokudzwa nokusiŋgaperi. Ameni.

26 Saka Mŋari wakaʋaisa pakuciʋa kunonyadzisa; nokuti ʋanhukadzi ʋaʋo ʋakashandura ɓasa raʋakasikirwa, riʋe ɓasa raʋasina‐kusikirwa;

27 saiɀoɀo ʋanhurume ʋo ʋakasiya ɓasa rakasikirwa munhukadzi, ʋakakundwa nokuciʋa pakati paʋo, ʋanhurume ʋaciita ɀinonyadza naʋanhurume, ʋakapiwa mukati maʋo muɓairo wakafanira wokurashika kwaʋo.

28 Seɀaʋakaŋga ʋasiŋgaɗi kugara ʋaciziʋa Mŋari, Mŋari akaʋaisa kumuraŋgariro wakarashika, kuti ʋaite ɀisakafanira;

29 ʋakazadzwa nokusarurama kwose, nokuipa, noruciʋa, nokuʋeŋga; ʋakazara negoɗo, nokuʋuraya, norukaʋe, nokunyeŋgera, necinya; ʋanhu ʋanoita zeʋe‐zeʋe,

30 naʋaceri, naʋanoʋeŋga Mŋari, naʋanoɗaɗa, naʋanoɀikudza, naʋanoɀirumbidza, naʋaʋambi ʋeɀakaipa, naʋasiŋgatereri ʋaɓereki,

31 namapenzi, naʋanoputsa suŋgano, naʋasinoruɗo kwarwo, ʋasineŋgoni.

32 Aʋo, kunyaŋge ʋaciziʋa haʋo cireʋo caMŋari, kuti ʋanoita ɀakaɗai ʋakafanirwa norufu, haʋaiti iɀo ɓedzi, asi ʋanotenderana naʋanoɀiita.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies