ƲaHeberu 1 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Kristu mukuru kuʋatumŋa. 1 Mŋari wakataura kare kunamadziɓaɓa muʋaprofita nemigoʋe mizhinji, ʋuye nemitoʋo mizhinji, 2 ɀino pakupedzisira kwamazuʋa ano wakataura kwatiri muMŋanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yeɀinhu ɀose, waakaita ʋo naye nyika; 3 iye cadzera cokubginya kwake, nomufananidzo wake caiye, unoceŋgeta ɀinhu ɀose nenzwi resimba rake, wakati apedzisa kunatswa kweɀiʋi, akagara kurudyi rwoƲumambo kuɗeŋga, 4 akapfuʋura ʋatumŋa nokunaka saiɀoɀo, sezita raakagara nhaka yaro, rakanyanya kunaka kupfuʋura raʋo. 5 Nokuti wakambotaura kunani waʋatumŋa, aciti: Ndiwe Mŋanakomana waŋgu, Nhasi ndakakuɓereka? Ʋuye ɀe: Ndicaʋa Ƃaɓa ʋake, Iye ucaʋa Mŋanakomana waŋgu? 6 Ʋuye, kana acizoʋuyisa ɀe ɗaŋgwe rake panyika, unoti: Ʋatumŋa ʋose ʋaMŋari ŋgaʋamunamate. 7 Napamsoro paʋatumŋa unoti: Iye unoita ʋatumŋa ʋake kuti ʋaʋe mhepo, Naʋaranda ʋake, kuti ʋaʋe muraɀo womŋoto; 8 Asi pamsoro poMŋanakomana, unoti: Cigaro cenyu coʋushe, imi Mŋari, ciri’po nokusiŋgaperi‐peri, Netȿimbo yokururama ndiyo tȿimbo yoʋushe bgako. 9 Makaɗa kururama, mukaʋeŋga kusarurama; Saka Mŋari, iye Mŋari wenyu, wakakuzodzai Namafuta okufara kupfuʋura shamŋari dzenyu. 10 Ʋuye, Imi, Ishe, makateya nheyo dzenyika pakutaŋga, Neɗeŋga ndiro ɓasa ramaʋoko enyu; 11 Iro ricapera, asi imi mucaramba muri’po; Ricasakara rose seŋguʋo; 12 Mucaripeta secinofukwa, Seŋguʋo, rikashandurwa; Asi imi hamushanduki, namakore enyu haaŋgagumi. 13 Asi wakambotaura kunani waʋatumŋa, aciti: Gara kurudyi rwaŋgu, Kuȿikira ndiciita ʋaʋeŋgi ʋako ʋaʋe citsiko cetsoka dzako? 14 Ko haʋazi ʋose mŋeya inoshumira, yakatumŋa kuzoɓata nokuɗa kwaʋanodya nhaka yokuponeswa here? |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society