Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 8 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mŋenje inotuŋgidzwa.

1 Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:

2 Taura naAroni, uti kwaari: Kana ucimisa mŋenje, mŋenje minomŋe inofanira kuvenekera pamberi pecigadziko.

3 Aroni akaita saiɀoɀo; akamisa mŋenje yaco, kuti ivenekere pamberi pecigadziko, seɀakarairwa Mosesi naJehova.

4 Cigadziko cakaŋga cakaitwa kuɗai: Cakaŋga cakaitwa nendarama yakapambadzirwa; kuȿikira pasi paco napamaruʋa aco cakaŋga cakaitwa nendarama yakapambadzirwa; nomufananidzo wakakaŋga wakaratidzwa Mosesi naJehova, ndiɀo ɀaakaita cigadziko.


ƲaRevi ʋanotsaurwa.

5 Jehova akataura naMosesi, akati:

6 Bvisa ʋaRevi pakati paʋana ʋaIsraeri, uʋanatse.

7 Pakuʋanatsa unofanira kuʋaitira kuɗai: Sasa pamsoro paʋo mvura inosuka ɀiʋi, ugoʋaraira kuti ʋaʋeʋurwe muʋiri waʋo wose neciȿo, ʋasuke ŋguʋo dzaʋo, nokuɀinatsa.

8 Ɀino ʋanofanira kutora nzombe ɗuku, necipiriso cayo coʋupfu, ʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta; newe utore imŋe nzombe ɗuku, ciʋe cipiriso ceɀiʋi.

9 Ɀino uise ʋaRevi pamberi petente rokusoŋgana, ndokukoka ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri.

10 Unofanira kuisa ʋaRevi pamberi paJehova, ʋana ʋaIsraeri ʋagoisa maʋoko aʋo pamsoro paʋaRevi.

11 Ɀino Aroni unofanira kuzuŋguzira ʋaRevi pamberi paJehova, ʋaʋe cipiriso cinozuŋguzirwa nokuɗa kwaʋana ʋaIsraeri, kuti ʋagare’po kuzoɓate‐ɓasa raJehova.

12 Ɀino ʋaRevi ʋanofanira kuisa maʋoko aʋo pamisoro yenzombe ɗuku, iwe ugoɓayira Jehova imŋe ciʋe cipiriso ceɀiʋi, neimŋe ciʋe cipiriso cinopiswa, kuti uyananisire ʋaRevi.

13 Ɀino unofanira kuisa ʋaRevi pamberi paAroni naʋanakomana ʋake, ugoʋazuŋguzira ʋaʋe cipiriso cinozuŋguzirwa kunaJehova.

14 Unofanira kubvisa ʋaRevi saiɀoɀo pakati paʋana ʋaIsraeri, kuti ʋaRevi ʋaʋe ʋaŋgu.

15 Ɀino shure kwaiɀoɀo ʋaRevi ʋanofanira kupinda kuzoɓate‐ɓasa patente rokusoŋgana; unofanira kuʋanatsa nokuʋazuŋguzira ʋaʋe cipiriso cinozuŋguzirwa.

16 Nokuti ndakaʋapiwa ini cose pakati paʋana ʋaIsraeri; ndakaɀitorera iʋo panɀimbo yaʋose ʋanotaŋga kuzarura ciɀaro, iwo mataŋgwe aʋana ʋaIsraeri ʋose.

17 Nokuti mataŋgwe ose aʋana ʋaIsraeri ndaaŋgu, kana aʋanhu, kana eɀipfuwo; ndakaɀitsaurira iwo nomusi wandakaʋuraya mataŋgwe ose munyika yeEgipita.

18 Ndakatora ʋaRevi panɀimbo yamataŋgwe ose pakati paʋana ʋaIsraeri,

19 Aroni naʋanakomana ʋake ndikaʋapa ʋaRevi pakati paʋana ʋaIsraeri, kuti ʋaɓate ɓasa raʋana ʋaIsraeri patente rokusoŋgana, nokuyananisira ʋana ʋaIsraeri, kuti hosha irege kuʋa’po pakati paʋana ʋaIsraeri, kana ʋana ʋaIsraeri ʋacisweɗera kuimba tȿene.

20 Mosesi naAroni neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri ʋakaitira ʋaRevi saiɀoɀo; ɀose seɀakarairwa Mosesi naJehova pamsoro paʋaRevi, ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋaitira saiɀoɀo.

21 ƲaRevi ʋakaɀinatsa paɀiʋi ɀaʋo, ʋakasuka ŋguʋo dzaʋo, Aroni akaʋazuŋguzira pamberi paJehova ʋaʋe cipiriso cinozuŋguzirwa; Aroni akaʋayananisira kuti aʋanatse.

22 Ɀino shure kwaiɀoɀo ʋaRevi ʋakapinda kuzoɓate‐ɓasa patente rokusoŋgana pamberi paAroni napamberi paʋana ʋake; seɀakarairwa Mosesi naJehova pamsoro paʋaRevi, ndiɀo ɀaakaʋaitira.

23 Jehova akataura naMosesi, akati:

24 Ndiwo murairo waʋaRevi: Aʋo ʋaȿika pamakore makumi maʋiri namashanu, naʋanopfuʋura, ʋanofanira kupinda kuzorwa namaɓasa etente rokusoŋgana;

25 asi kana ʋaȿika makore anamakumi mashanu ʋanofanira kurega ɓasa iri; haʋacafaniri kuɓata;

26 asi ʋaŋgaɓatsirana haʋo nehama dzaʋo patente rokusoŋgana, kuti ʋariceŋgete, asi ŋgaʋarege kuɓate‐ɓasa. Ndiɀo ɀaunofanira kuitira ʋaRevi pamsoro pamaɓasa aʋo.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies