Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 7 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Ɀipiriso ɀamacinda amarudzi anegumi namaʋiri.

1 Ɀino nomusi Mosesi waakapedza kumisa tabernakeri nawo, nokuizodza, nokuitsaura nenhumbi dzayo dzose, neartari, nemidziyo yayo yose, wakati aɀizodza nokuɀitsaura,

2 macinda aʋaIsraeri, ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋakaʋuya neɀipo ɀaʋo; ndiʋo ʋaiʋa macinda amarudzi, ndiʋo ʋakaŋga ʋari ʋatariri ʋaʋanhu ʋakaʋereŋgwa;

3 ʋakaʋuya neɀipo ɀaʋo pamberi paJehova, ɀinoti: Ŋgoro nhanhatu dzaiʋa namatente, nenzombe dzinegumi nembiri, macinda maʋiri aneŋgoro imŋe, mumŋe nomumŋe anenzombe imŋe; ʋakaʋuya naɀo pamberi petabernakeri.

4 Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati:

5 Gamucira iɀoɀo kwaʋari, kuti maɓasa etente rokusoŋgana aitwe naɀo; unofanira kuɀipa ʋaRevi, mumŋe nomumŋe ɀinoriŋgana maɓasa ake.

6 Ipapo Mosesi akagamucira ŋgoro idzo nenzombe, akaɀipa ʋaRevi.

7 Akapa ʋanakomana ʋaGershoni ŋgoro mbiri nenzombe inna, ɀakariŋgana maɓasa aʋo.

8 Akapa ʋo ʋanakomana ʋaMerari ŋgoro inna nenzombe sere, ɀakariŋgana maɓasa aʋo, ʋacirairwa naItamari, mŋanakomana waAroni muprista.

9 Asi haana‐kupa ʋanakomana ʋaKohati cinhu nokuti ndiʋo ʋakaŋga ʋaneɓasa reimba tȿene; ʋaifanira kuɀitakura pamafudzi aʋo.

10 Macinda akaʋuya neɀipo ɀokutsaurira artari nomusi wayakazodzwa nawo, macinda akaʋuya neɀipo ɀawo pamberi peartari.

11 Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ŋgaʋaʋuye neɀipo ɀaʋo ɀokutsaurira artari, mucinda mumŋe nomumŋe nomusi wake.

12 Ɀino wakaʋuya necipo cake nezuʋa rokutaŋga wakaŋga ari Nashoni, mŋanakomana waAminadabi, worudzi rwaJuda.

13 Cipo cake yakaŋga iri ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu;

14 nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira,

15 nenzombe imŋe negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa,

16 nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi;

17 nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caNashoni, mŋanakomana waAminadabi.

18 Nezuʋa repiri Netaneri, mŋanakomana waZuari, mucinda waIsakari, wakaʋuyisa cipo cake.

19 Wakaʋuya necipo cake, caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu;

20 nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira,

21 nenzombe imŋe, negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa;

22 nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi;

23 nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caNetaneri, mŋanakomana waZuari.

24 Nezuʋa retatu Eriabi, mŋanakomana waHeroni, mucinda waʋana ʋaZeburuni, wakaʋuya.

25 Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu;

26 nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira,

27 nenzombe imŋe, negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa;

28 nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi;

29 nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caEriabi, mŋanakomana waHeroni.

30 Nezuʋa recinna Erizuri, mŋanakomana waShedeuri, mucinda waʋana ʋaRubeni, wakaʋuya.

31 Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu;

32 nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira,

33 nenzombe imŋe, negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa;

34 nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi;

35 nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caErizuri, mŋanakomana waShedeuri.

36 Nezuʋa reshanu Sherumieri, mŋanakomana waZurishadai, mucinda waʋana ʋaSimeoni, wakaʋuya.

37 Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu;

38 nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira,

39 nenzombe imŋe, negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa;

40 nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi;

41 nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caSherumieri, mŋanakomana waZurishadai.

42 Nezuʋa retanhatu Eriasafi, mŋanakomana waDeueri, mucinda waʋana ʋaGadi, wakaʋuya.

43 Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu;

44 nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira,

45 nenzombe imŋe, negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa;

46 nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi;

47 nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caEriasafi, mŋanakomana waDeueri.

48 Nezuʋa recinomŋe Erishama, mŋanakomana waAmihudi, mucinda waʋana ʋaEfraimi, wakaʋuya.

49 Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu;

50 nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira,

51 nenzombe imŋe, negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa;

52 nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi;

53 nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caErishama, mŋanakomana waAmihudi.

54 Nezuʋa rorusere Gamarieri, mŋanakomana waPedazuri, mucinda waʋana ʋaManase, wakaʋuya.

55 Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu;

56 nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira,

57 nenzombe imŋe, negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa;

58 nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi;

59 nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caGamarieri, mŋanakomana waPedazuri.

60 Nezuʋa repfumbamŋe Abidani, mŋanakomana waGideoni, mucinda waʋana ʋaBenjamini, wakaʋuya.

61 Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu;

62 nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira,

63 nenzombe imŋe, negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa;

64 nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi;

65 nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caAbidani, mŋanakomana waGideoni.

66 Nezuʋa regumi Ahiezeri, mŋanakomana waAmishadai, mucinda waʋana ʋaDani, wakaʋuya.

67 Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu;

68 nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira,

69 nenzombe imŋe, negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa;

70 nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi;

71 nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caAhiezeri, mŋanakomana waAmishadai.

72 Nezuʋa regumi nerimŋe Pagieri, mŋanakomana waOkrani, mucinda waʋana ʋaAsheri, wakaʋuya.

73 Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu;

74 nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira,

75 nenzombe imŋe, negondobge rimŋe negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa;

76 nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi;

77 nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caPagieri, mŋanakomana waOkrani.

78 Nezuʋa regumi namaʋiri Ahira, mŋanakomana waEnani, mucinda waʋana ʋaNaftari, wakaʋuya.

79 Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu;

80 nendiro imŋe yendarama yamashekeri anegumi, izere neɀinonhuwira,

81 nenzombe imŋe, negondobge rimŋe, negwaiana rimŋe regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa;

82 nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi;

83 nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caAhira, mŋanakomana waEnani.

84 Ndico cipo cokutsaurwa kweartari, nomusi wayakazodzwa nawo namacinda aIsraeri: Ndiro huru dzesirveri dzinegumi nembiri, nemidziyo yesirveri inegumi nembiri, nendiro dzendarama dzinegumi nembiri;

85 ndiro imŋe neimŋe huru yesirveri yakaȿika mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe nomumŋe mashekeri anamakumi manomŋe; sirveri yose yemidziyo yose yakaȿika mashekeri aneɀuru ɀiʋiri namazana manna, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene;

86 nendiro dzinegumi nembiri dzendarama, dzakaŋga dzizere neɀinonhuwira, imŋe neimŋe yakaŋga inamashekeri anegumi, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ndarama yose yendiro yakaȿika mashekeri anezana namakumi maʋiri;

87 nzombe dzose dzeɀipiriso ɀinopiswa dzakaȿika nzombe dzinegumi nembiri, namakondobge anegumi namaʋiri, namakwaiana amakondobge egore rimŋe anegumi namaʋiri, neɀipiriso ɀaɀo ɀoʋupfu; nenhoŋgo dzembudzi gumi nembiri, ciʋe cipiriso ceɀiʋi;

88 nzombe dzose dzeciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa dzakaȿika nzombe dzinamakumi maʋiri nenna, namakondobge anamakumi matanhatu, nenhoŋgo dzembudzi dzinamakumi matanhatu, namakwaiana amakondobge egore rimŋe anamakumi matanhatu. Ndico cipo cokutsaurwa kweartari, shure kwokuzodzwa kwayo.

89 Ɀino Mosesi wakati apinda mutente rokusoŋgana, kuti ataure naye, akanzwa Inzwi ricitaura naye, ricibva pacifunhiro cokuyananisa, cakaŋga ciri pamsoro peareka yecipupuriro, ricibva pakati pamakerubi maʋiri: akataura naye.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies