Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 36 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Ʋasikana ʋanofanira kuwanikwa noʋorudzi rwaʋo.

1 Ɀino ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa ʋemhuri yaʋana ʋaGireadi, mŋanakomana waMakiri, mŋanakomana waManase, ʋemhuri dzaʋana ʋaJosefa, ʋakasweɗera, ʋakataura pamberi paMosesi, napamberi pamacinda, ʋaiʋa ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋana ʋaIsraeri,

2 ʋakati: Jehova wakaraira tenzi waŋgu, kuti agoʋere nyika nemijenya pakati paʋana ʋaIsraeri, iʋe nhaka yaʋo; ʋuye ɀe, tenzi waŋgu wakarairwa naJehova kupa ʋanasikana ʋaZerofehadi, munuŋuna weɗu, nhaka yake.

3 Ɀino kana iʋo ʋakawanikwa nomumŋe waʋanakomana ʋamarudzi mamŋe aʋana ʋaIsraeri, nhaka yaʋo icafanira kubviswa panhaka yamadziɓaɓa eɗu, ikawedzerwa panhaka yorudzi kwaʋanozondogara; saiɀoɀo icabviswa panhaka yatakapiwa nemijenya.

4 Ɀino kana gore reJuberi raʋana ʋaIsraeri riciȿika, nhaka yaʋo icawedzerwa panhaka yorudzi kwaʋagere; naiɀoɀo nhaka yaʋo icabviswa panhaka yorudzi rwamadziɓaɓa eɗu.

5 Ɀino Mosesi akaraira ʋana ʋaIsraeri seɀakataura Jehova, akati: Rudzi rwaʋana ʋaJosefa runotaura kwaɀo.

6 Ndiro shoko rakarairwa naJehova pamsoro paʋanasikana ʋaZerofehadi: Ŋgaʋawanikwe naʋaʋanoɗa; asi ŋgaʋawanikwe naʋeimba yorudzi rwaɓaɓa ʋaʋo.

7 Naiɀoɀo hapanenhaka yaʋana ʋaIsraeri iŋgabva kunorumŋe rudzi ikaenda kunorumŋe; nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋanofanira, mumŋe nomumŋe, kunamatira nhaka yorudzi rwamadziɓaɓa aʋo.

8 Mŋanasikana mumŋe nomumŋe unenhaka parudzi rupi norupi rwaʋana ʋaIsraeri, ŋgaawanikwe nomumŋe weimba yorudzi rwaɓaɓa ʋake, kuti ʋana ʋaIsraeri, mumŋe nomumŋe, ʋagare nhaka yamadziɓaɓa aʋo.

9 Naiɀoɀo hapanenhaka iŋgazobva kunorumŋe rudzi, ikaenda kunorumŋe; nokuti marudzi aʋana ʋaIsraeri acanamatira, rumŋe norumŋe, nhaka yarwo.

10 Ʋanasikana ʋaZerofehadi ʋakaita seɀakarairwa Mosesi naJehova.

11 Nokuti Mara, naTirza, naHogra, naMirka, naNoa, iʋo ʋanasikana ʋaZerofehadi, ʋakawanikwa naʋanakomana ʋaʋanuŋuna ʋaɓaɓa ʋaʋo.

12 Ʋakawanikwa padzimba dzaʋana ʋaManase, mŋanakomana waJosefa, nhaka ikagara parudzi rweimba yaɓaɓa ʋaʋo.

13 Ndiyo mirairo nemitemo, yakarairwa ʋana ʋaIsraeri naJehova nomuromo waMosesi pamapani eMoabi paJoridani paJeriko. [ɀaeŋga]

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies