Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 34 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Miganho yeKanani.

1 Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:

2 Raira ʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana maȿika munyika yeKanani, (ndiyo nyika icaʋa nhaka yenyu, iyo nyika yeKanani, kuȿikira kumiganho yayo,)

3 rutiʋi rwenyu rwezasi runofanira kutaŋga murenje reZini rucienda nokurutiʋi rweEdomi; muganho wenyu wezasi ucataŋga pamuʋuyo weGuŋgwa roMunyu, ucienda kumabvazuʋa;

4 ɀino muganho wenyu upote necezasi kwegomo reAkrabimi, ndokupfuʋurira kuZini, ugoɓuɗa necezasi kweKadeshi‐barnea; ɀino upfuʋure kuHazari‐adari, ugondoȿika Azmoni;

5 ɀino muganho unofanira kupota ucitaŋga paAzmoni, kuȿika kurukoʋa rweEgipita, ndokuɓuɗa paGuŋgwa.

6 Muganho wenyu wokumaʋirazuʋa ndiro Guŋgwa Guru nenyika yaro; ndiwo muganho wokumaʋirazuʋa.

7 Ndiwo muganho wenyu wokumsoro: Kubva paGuŋgwa Guru munofanira kutara muganho wenyu kuȿika pagomo reHori;

8 kubva paHori munofanira kutara muganho wenyu kuȿika paʋanopinda paHamati, muganho ugondogumira paZedadi.

9 Ɀino muganho upfuʋurire kuȿika paZifroni, ugondoguma paHazari‐enani; ndiwo muganho wenyu wokumsoro.

10 Munofanira kutara ʋo muganho wenyu wokumabvazuʋa, kubva paHazari‐enani kuȿika paShefami.

11 Kubva paShefami muganho uɓurukire Ribra, kumabvazuʋa kweAini; ɀino muganho uɓuruke, ugondoȿika kurutiʋi rweguŋgwa reKinereti kumabvazuʋa;

12 ɀino muganho uɓurukire kuJoridani, ugondoguma paGuŋgwa roMunyu; ndiyo icaʋa nyika yenyu nemiganho yayo kunhiʋi dzose.

13 Mosesi akaraira ʋana ʋaIsraeri, akati: Ndiyo nyika yamucapiwa nemijenya iʋe nhaka yenyu, yakarairwa naJehova kuti ipiwe marudzi mapfumbamŋe nehafu;

14 nokuti rudzi rwaʋana ʋaRubeni, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, norudzi rwaʋana ʋaGadi, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋatopiwa haʋo, nehafu yorudzi rwaManase ʋatopiwa haʋo nhaka yaʋo;

15 marudzi awa maʋiri nehafu akapiwa nhaka yawo necemhiri kwaJoridani paJeriko, kumabvazuʋa kunoɓuɗa zuʋa nako.

16 Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:

17 Ndiwo mazita aʋarume ʋanofanira kukugoʋerai nyika kuti iʋe nhaka yenyu: Ereazari muprista, naJoshua, mŋanakomana waNuni.

18 Munofanira kutsaura ʋo mucinda mumŋe kurudzi rumŋe norumŋe kugoʋera nyika iʋe nhaka yenyu.

19 Ndiwo mazita aʋarume iʋaʋo: Kurudzi rwaJuda, Karebi, mŋanakomana waJefune;

20 kurudzi rwaʋana ʋaSimeoni, Shemueri, mŋanakomana waAmihudi;

21 kurudzi kwaBenjamini, Eridadi, mŋanakomana waKisroni;

22 kurudzi rwaʋaDani, mucinda Buki, mŋanakomana waJogri;

23 kuʋana ʋaJosefa, kurudzi rwaʋana ʋaManase, mucinda Hanieri, mŋanakomana waEfodi;

24 kurudzi rwaʋana ʋaEfraimi, mucinda Kemueri, mŋanakomana waShiftani;

25 kurudzi rwaʋana ʋaZeburuni, mucinda Erizafani, mŋanakomana waParnaki;

26 kurudzi rwaʋana ʋaIsakari, mucinda Partieri, mŋanakomana waAzani;

27 kurudzi rwaʋana ʋaAsheri, mucinda Ahihudi, mŋanakomana waSheromi;

28 kurudzi rwaʋana ʋaNaftari, mucinda Pedaheri, mŋanakomana waAmihudi.

29 Ndiʋo ʋakarairwa naJehova kuti ʋagoʋere nyika yeKanani, iʋe nhaka yaʋana ʋaIsraeri.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies