Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 30 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mirairo yemhiko.

1 Ɀino Mosesi wakataura naʋakuru ʋamarudzi aʋana ʋaIsraeri, akati: Ndico cinhu cakarairwa naJehova:

2 Kana munhu aciŋge apikira Jehova mhiko, kana kuɀisuŋga nokupika, haafaniri kushandura shoko rake; unofanira kuita ɀose ɀakaɓuɗa mumuromo make.

3 Nomukadzi ʋo, kana aciŋge apikira Jehova, kana kuɀisuŋga nokusuŋga kwokupika, aciri mumba maɓaɓa ʋake, aciri musikana;

4 ɓaɓa ʋake ʋakanzwa kupika kwake, nokuɀisuŋga kwaakaɀisuŋga nako, ɓaɓa ʋake ʋakamunyararira haʋo, ipapo kupika kwake kwose kucaʋa nesimba, nokusuŋga kwake kwose, kwaakaɀisuŋga nako, kucaʋa nesimba.

5 Asi kana ɓaɓa ʋake ʋakamudziʋisa nomusi waʋanoɀinzwa nawo, kupika kwake kwose, nokuɀisuŋga kwake kwose, kwaakaɀisuŋga nako, hakuŋgaʋi nesimba; Jehova ucamukaŋganwira, nokuti ɓaɓa ʋake ʋamudziʋisa.

6 Kana akawanikwa nomurume acakasuŋgwa nokupika kwake, kana namashoko aakareʋa asina‐kuraŋgarira ɀakanaka, aakaɀisuŋga nawo;

7 murume wake akaɀinzwa, akamunyararira hake nomusi waanoɀinzwa nawo, ipapo kupika kwake kucaʋa nesimba, nokuɀisuŋga kwake, kwaakaɀisuŋga nako, kucaʋa nesimba.

8 Asi kana murume wake akamudziʋisa nomusi waanoɀinzwa nawo, ipapo iye unokonesa kupika kwake, kwaakaɀisuŋga nako, namashoko aakareʋa asina‐kuraŋgarira ɀakanaka, aakaɀisuŋga nawo; Jehova ucamukaŋganwira.

9 Asi kupika kwecirikadzi, kana kwomukadzi wakarambga nomurume wake, cinhu cipi necipi caakaɀisuŋga naco, ɀicaʋa nesimba kwaari.

10 Kana aciŋge apika ari mumba momurume wake, kana kuɀisuŋga nokupika,

11 murume wake akaɀinzwa, akamunyararira, asiŋgamudziʋisi, ipapo kupika kwake kucaʋa nesimba, nokuɀisuŋga kwose, kwaakaɀisuŋga nako, kucaʋa nesimba.

12 Asi kana murume wake akaɀikonesa kwaɀo nomusi waakaɀinzwa nawo, ipapo ɀose ɀakaɓuɗa mumuromo make pakupika kwake, kana kuɀisuŋga kwake, haɀiŋgaʋi nesimba; murume wake waɀikonesa; Jehova ucamukaŋganwira.

13 Mhiko dzose, nokupika kwose kwaanoɀisuŋga nako kucema pamŋeya wake, murume wake uŋgaɀisimbisa, kana murume wake uŋgaɀikonesa.

14 Asi kana murume wake akamunyararira cose zuʋa rimŋe nerimŋe, ipapo unosimbisa mhiko dzake dzose nokuɀisuŋga kwake kwose, kwaakaɀisuŋga nako; waɀisimbisa, nokuti wamunyararira nomusi waakaɀinzwa nawo.

15 Asi kana akazoɀikonesa kwaɀo, aɀinzwa hake, iye unofanira kuʋa nemhoȿa yake.

16 Ndiyo mitemo yakarairwa Mosesi naJehova, pakati pomurume nomukadzi wake, napakati paɓaɓa nomŋanasikana waʋo, aciri musikana paimba yaɓaɓa ʋake.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies