Numeri 29 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Nomŋedzi wecinomŋe, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi, munofanira kuita ʋuŋgano tȿene; hamufaniri kuɓata maɓasa aʋaranda naro; rinofanira kuʋa kwamuri zuʋa rokuridza hwamanda naro. 2 Munofanira kuʋuya necipiriso cinopiswa, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova, ɀinoti: Nzombe imŋe ɗuku, negondobge rimŋe, namakwaiana amakondobge manomŋe, egore rimŋe, asina‐kuremara; 3 necipiriso caɀo coʋupfu, coʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ɀegumi ɀitatu panzombe, neɀegumi ɀiʋiri pagondobge, 4 necegumi cimŋe pagwaiana rimŋe nerimŋe ramakwaiana manomŋe; 5 nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, cokuyananisira naco; 6 kunze kwecipiriso cinopiswa pakugara kwomŋedzi, necipiriso caco coʋupfu, necipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa, seɀakarairwa; ciʋe cinonhuwira ɀakanaka, ciʋe cipiriso cinopisirwa Jehova. 7 Nezuʋa regumi romŋedzi wecinomŋe munofanira kuita ʋuŋgano tȿene; munofanira kucema pamŋeya yenyu; musatoŋgoɓate‐ɓasa. 8 Asi munofanira kuʋuya necipiriso cokupisira Jehova, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka, ɀinoti: Nzombe imŋe ɗuku, negondobge rimŋe, namakwaiana amakondobge manomŋe egore rimŋe; ɀiʋe ɀisina‐kuremara kwamuri; 9 necipiriso caɀo coʋupfu, coʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta; ɀegumi ɀitatu panzombe, neɀegumi ɀiʋiri pagondobge rimŋe; 10 necegumi cimŋe pagwaiana rimŋe nerimŋe ramakwaiana manomŋe; 11 nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; kunze kwecipiriso ceɀiʋi cokuyananisira naco, necipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caɀo coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa. 12 Nezuʋa regumi namashanu romŋedzi wecinomŋe munofanira kuita ʋuŋgano tȿene; hamufaniri kuɓate‐ɓasa raʋaranda naro; munofanira kuitira Jehova mutambo wamazuʋa manomŋe. 13 Munofanira kuʋuya necipiriso cinopiswa, cipiriso cinopiswa nomŋoto, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova, ɀinoti: Nzombe ɗuku dzinegumi nenhatu, namakondobge maʋiri, namakwaiana amakondobge anegumi namanna egore rimŋe; ɀiʋe ɀisina‐kuremara; 14 necipiriso caɀo coʋupfu, coʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta; ɀegumi ɀitatu panzombe imŋe neimŋe panzombe dzinegumi nenhatu, neɀegumi ɀiʋiri pagondobge rimŋe nerimŋe pamakondobge maʋiri; 15 necegumi cimŋe pagwaiana rimŋe nerimŋe pamakwaiana anegumi namanna; 16 nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu, necipiriso caco cinoɗururwa. 17 Nezuʋa repiri munofanira kuʋuya nenzombe ɗuku dzinegumi nembiri, namakondobge maʋiri, namakwaiana amakondobge anegumi namanna egore rimŋe asina‐kuremara. 18 Necipiriso caɀo coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa ɀenzombe, namakondobge namakwaiana, ɀakaenzana nokuwanda kwaɀo, seɀakarairwa; 19 nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose; necipiriso caco coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa. 20 Nezuʋa retatu munofanira kuʋuya nenzombe ɗuku dzinegumi neimŋe, namakondobge maʋiri, namakwaiana amakondobge anegumi namanna egore rimŋe, asina‐kuremara; 21 necipiriso caɀo coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa ɀenzombe, namakondobge, namakwaiana, ɀakaenzana nokuwanda kwaɀo, seɀakarairwa; 22 nenhoŋgo imŋe yembudzi ciʋe cipiriso ceɀiʋi; kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu, necipiriso caco cinoɗururwa. 23 Nezuʋa recinna munofanira kuʋuya nenzombe ɗuku dzinegumi, namakondobge maʋiri, namakwaiana amakondobge anegumi namanna egore rimŋe, asina‐kuremara; 24 necipiriso caɀo coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa, ɀenzombe, namakondobge, namakwaiana, ɀakaenzana nokuwanda kwaɀo, seɀakarairwa; 25 nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu, necipiriso caco cinoɗururwa. 26 Nezuʋa reshanu munofanira kuʋuya nenzombe ɗuku pfumbamŋe, namakondobge maʋiri, namakwaiana amakondobge anegumi namanna egore rimŋe, asina‐kuremara; 27 necipiriso caɀo coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa, ɀenzombe, namakondobge, namakwaiana, ɀakaenzana nokuwanda kwaɀo, seɀakarairwa; 28 nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu, necipiriso caco cinoɗururwa. 29 Nezuʋa retanhatu munofanira kuʋuya nenzombe sere, namakondobge maʋiri, namakwaiana amakondobge anegumi namanna egore rimŋe, asina‐kuremara; 30 necipiriso caɀo coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa, ɀenzombe, namakondobge, namakwaiana, ɀakaenzana nokuwanda kwaɀo, seɀakarairwa; 31 nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu, neɀipiriso ɀaco ɀinoɗururwa. 32 Nezuʋa recinomŋe munofanira kuʋuya nenzombe ɗuku nomŋe, namakondobge maʋiri, namakwaiana amakondobge anegumi namanna egore rimŋe, asina‐kuremara; 33 necipiriso caɀo coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa, ɀenzombe, namakondobge, namakwaiana, ɀakaenzana nokuwanda kwaɀo, seɀakarairwa; 34 nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu, necipiriso caco cinoɗururwa. 35 Nezuʋa rorusere munofanira kuita ʋuŋgano tȿene; hamufaniri kuɓate‐ɓasa raʋaranda naro. 36 Asi munofanira kuʋuya necipiriso cinopiswa, cipiriso cinopiswa nomŋoto, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova, ɀinoti: Nzombe imŋe ɗuku, negondobge rimŋe, namakwaiana amakondobge manomŋe egore rimŋe, asina‐kuremara; 37 necipiriso caɀo coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa, ɀenzombe, namakondobge, namakwaiana, ɀinofanira kuenzana nokuwanda kwaɀo, seɀakarairwa; 38 nenhoŋgo imŋe yembudzi ciʋe cipiriso ceɀiʋi; kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu, necipiriso caco cinoɗururwa. 39 Ndiɀo ɀamunofanira kuʋuya naɀo kunaJehova pamitambo yenyu yakatarwa, kunze kwemhiko dzenyu, neɀipo ɀokuɗa kwenyu, ɀiʋe ɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa, neɀipiriso ɀenyu ɀoʋupfu, neɀipiriso ɀenyu ɀinoɗururwa, neɀipiriso ɀenyu ɀokuyananisa. 40 Mosesi akaʋudza ʋana ʋaIsraeri ɀose ɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society