Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 27 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mirairo yokugarisa nhaka.

1 Ɀino ʋanasikana ʋaZerofehadi, mŋanakomana waHeferi, mŋanakomana waGireadi, mŋanakomana waMakiri, mŋanakomana waManase, wemhuri dzaManase, mŋanakomana waJosefa, ʋakasweɗera kunaMosesi; ndiwo mazita aʋanasikana ʋake: Mara, naNoa, naHogra, naMirka, naTirza;

2 ʋakamira pamberi paMosesi napamberi paEreazari muprista, napamberi pamacinda neʋuŋgano yose, pamukoʋa wetente rokusoŋgana, ʋakati:

3 Ƃaɓa ʋeɗu ʋakafira murenje, asi ʋakaŋga ʋasi pakati peɓoka raʋaya ʋakaʋuŋgana kuzorwa naJehova, ʋeɓoka raKora; ʋakafira haʋo muɀiʋi ɀaʋo, ʋasinaʋanakomana.

4 Ɀino zita raɓaɓa ʋeɗu ricabvisirweiko pakati pemhuri yaʋo, nokuti ʋakaŋga ʋasinaʋanakomana? Tipei ʋo nhaka pakati pehama dzaɓaɓa ʋeɗu.

5 Mosesi akaisa shoko raʋo pamberi paJehova.

6 Jehova akataura naMosesi, akati:

7 Ʋanasikana ʋaZerofehadi ʋanotaura kwaɀo; ɀirokwaɀo, unofanira kuʋapa nhaka pakati pehama dzaɓaɓa ʋaʋo; unofanira kuʋagarisa nhaka yaɓaɓa ʋaʋo.

8 Ɀino unofanira kutaura naʋana ʋaIsraeri, uciti: Kana munhu akafa asinomŋanakomana, munofanira kugarisa mŋanasikana wake nhaka yake.

9 Kana asinomŋanasikana, munofanira kupa ʋakuru ʋake naʋanuŋuna ʋake nhaka yake.

10 Kana asinaʋakuru kana ʋanuŋuna, munofanira kupa ʋakuru kana ʋanuŋuna ʋaɓaɓa ʋake nhaka yake.

11 Kana ɓaɓa ʋake ʋasinaʋakuru kana ʋanuŋuna, munofanira kupa hama yake yomumba nhaka yake, iʋe yake. Unofanira kuʋa mutemo wokutoŋga nawo pakati paʋana ʋaIsraeri, seɀakarairwa Mosesi naJehova.


Joshua muteʋeri waMosesi.

12 Ɀino Jehova wakati kunaMosesi: Kwira pagomo iri reAbarimi, uʋone nyika yandakapa ʋana ʋaIsraeri.

13 Ipapo kana waiʋona, newe ʋo ucasoŋganiswa naʋanhu ʋako, seɀakasoŋganiswa mukuru wako Aroni;

14 nokuti makaramba shoko raŋgu murenje reZini, paŋguʋa yokurwa kweʋuŋgano, mukarega kunditsaura pamberi paʋo pamvura. (Ndiyo mvura yeMeriba paKadeshi, murenje reZini.)

15 Ɀino Mosesi akataura naJehova, akati:

16 Jehova, Mŋari wemŋeya yaʋanhu ʋose, ŋgaagadze murume paʋuŋgano iyi,

17 ucaɓuɗa pamberi paʋo, nokupinda pamberi paʋo, uŋgaʋaɓuɗisa nokuʋapinza; kuti ʋuŋgano yaJehova irege kuʋa samakwai asinomufudzi.

18 Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tora Joshua, mŋanakomana waNuni, murume unomŋeya mukati make, uise ruʋoko rwako pamsoro pake.

19 Umuise pamberi paEreazari muprista, napamberi peʋuŋgano yose, ugomurairira pamberi paʋo.

20 Uise pamsoro pake ɀoʋukuru bgako, kuti ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri imuterere.

21 Iye unofanira kumira pamberi pomuprista Ereazari, iye amuvunzire pamberi paJehova nokutoŋga kweUrimi; nokuraira kwake, ʋanofanira kuɓuɗa, nokuraira kwake, ʋanofanira kupinda, iye pamŋe cete naʋana ʋaIsraeri ʋose, ʋuŋgano yose.

22 Mosesi akaita seɀaakarairwa naJehova; akatora Joshua, akamuisa pamberi pomuprista Ereazari, napamberi peʋuŋgano yose;

23 akaisa maʋoko ake pamsoro pake, akamurairira, seɀakataura Jehova nomuromo waMosesi.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies