Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 26 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


ƲaIsraeri, ʋanogona kurwa, ʋanoʋereŋgwa.

1 Ɀino ɗenda rakati rapfuʋura, Jehova akataura naMosesi naEreazari, mŋanakomana womuprista Aroni, akati:

2 Ʋereŋgai ʋanhu ʋose ʋaIsraeri, ʋanamakore anamakumi maʋiri naʋanopfuʋura, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋose ʋanogona kuenda kuhondo pakati paIsraeri.

3 Mosesi naEreazari muprista ʋakataura naʋo pamapani aMoabi, paJoridani paJeriko, ʋakati:

4 Ʋereŋgai ʋanhu ʋanamakore anamakumi maʋiri naʋanopfuʋura; Jehova seɀakaraira Mosesi naʋana ʋaIsraeri, ʋakaɓuɗa panyika yeEgipita.

5 Rubeni ndiye waiʋa mŋanakomana weɗaŋgwe waIsraeri; ʋanakomana ʋaRubeni ndiʋo: Hanoki, kwakabva mhuri yaʋaHanoki; naParu, kwakabva mhuri yaʋaParu.

6 NaHezroni, kwakabva mhuri yaʋaHezroni; naKarmi, kwakabva mhuri yaʋaKarmi.

7 Ndidzo mhuri dzaʋaRubeni: Ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀitatu, namazana manomŋe namakumi matatu.

8 Ʋanakomana ʋaParu ʋaiʋa Eriabi;

9 naʋanakomana ʋaEriabi, Nemueri naDatani naAbirami; Datani naAbirami ndiʋo ʋakaŋga ʋaɗanwa kumakurukota, ʋakarwa naMosesi naAroni paɓoka raKora, ŋguʋa yaʋakarwa naJehova,

10 nyika ikashamisa muromo wayo, ikaʋamedza pamŋe cete naKora musi wakafa ɓoka iro; ŋguʋa iyo mŋoto ukaparadza ʋarume ʋanamazana maʋiri namakumi mashanu, ʋakaitwa ciratidzo.

11 Asi ʋanakomana ʋaKora haʋana‐kufa.

12 Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaSimeoni, nemhuri dzaʋo: Nemueri, kwakabva mhuri yaʋaNemueri, naJamini, kwakabva mhuri yaʋaJamini, naJakini, kwakabva mhuri yaʋaJakini;

13 naZera, kwakabva mhuri yaʋaZera; naShauri, kwakabva mhuri yaʋaShauri.

14 Ndidzo mhuri dzaʋaSimeoni, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri namazana maʋiri.

15 Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaGadi nemhuri dzaʋo: Zefoni, kwakabva mhuri yaʋaZefoni; naHagi, kwakabva mhuri yaʋaHagi; naShuni, kwakabva mhuri yaʋaShuni;

16 naOzni, kwakabva mhuri yaʋaOzni; naEri, kwakabva mhuri yaʋaEri;

17 naArodi, kwakabva mhuri yaʋaArodi; naAreri, kwakabva mhuri yaʋaAreri.

18 Ndidzo mhuri dzaʋanakomana ʋaGadi; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna namazana mashanu.

19 Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaJuda: Eri naOnani; asi Eri naOnani ʋakafira munyika yeKanani.

20 Ndiʋo ʋanakomana ʋaJuda, nemhuri dzaʋo: Shera, kwakabva mhuri yaʋaShera; naPerezi, kwakabva mhuri yaʋaPerezi; naZera, kwakabva mhuri yaʋaZera.

21 Ndiʋo ʋanakomana ʋaPerezi: Hezroni, kwakabva mhuri yaʋaHezroni; naHamuri, kwakabva mhuri yaʋaHamuri.

22 Ndidzo mhuri dzaJuda; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manomŋe neɀitanhatu namazana mashanu.

23 Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaIsakari, nemhuri dzaʋo: Tora, kwakabva mhuri yaʋaTora; naPuva, kwakabva mhuri yaʋaPuva;

24 naJashubi, kwakabva mhuri yaʋaJashubi; naShimroni, kwakabva mhuri yaʋaShimroni.

25 Ndidzo mhuri dzaIsakari; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matanhatu neɀinna namazana matatu.

26 Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaZeburuni, nemhuri dzaʋo: Seredi, kwakabva mhuri yaʋaSeredi; naEroni, kwakabva mhuri yaʋaEroni; naJareeri, kwakabva mhuri yaʋaJareeri.

27 Ndidzo mhuri dzaZeburuni; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matanhatu namazana mashanu.

28 Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaJosefa, nemhuri dzaʋo: Manase naEfraimi.

29 Ndiʋo ʋanakomana ʋaManase: Makiri, kwakabva mhuri yaʋaMakiri; Makiri wakaɓereka Gireadi; kunaGireadi kwakabva mhuri yaʋaGireadi.

30 Ndiʋo ʋanakomana ʋaGireadi: Jezeri, kwakabva mhuri yaʋaJezeri; naHereki, kwakabva mhuri yaʋaHereki;

31 naAsrieri, kwakabva mhuri yaʋaAsrieri; naShekemi, kwakabva mhuri yaʋaShekemi;

32 naShemida, kwakabva mhuri yaʋaShemida; naHeferi, kwakabva mhuri yaʋaHeferi.

33 Asi Zerofehadi, mŋanakomana waHeferi, wakaŋga asinaʋanakomana, asi ʋanasikana ɓedzi; mazita aʋanasikana ʋaZerofehadi aiʋa Makra, naNoa, naHogra, naMirka, naTirza.

34 Ndidzo mhuri dzaManase; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀiʋiri namazana manomŋe.

35 Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaEfraimi, nemhuri dzaʋo: Shutera, kwakabva mhuri yaʋaShutera; naBekeri, kwakabva mhuri yaʋaBekeri; naTahani, kwakabva mhuri yaʋaTahani.

36 Ndiʋo ʋanakomana ʋaShutera: Erani, kwakabva mhuri yaʋaErani.

37 Ndidzo mhuri dzaʋanakomana ʋaEfraimi; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matatu neɀiʋiri, namazana mashanu. Ndiʋo ʋanakomana ʋaJosefa, nemhuri dzaʋo.

38 Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaBenjamini, nemhuri dzaʋo: Bera, kwakabva mhuri yaʋaBera; naAshberi, kwakabva mhuri yaʋaAshberi; naAhirami, kwakabva mhuri yaʋaAhirami;

39 naShefufami, kwakabva mhuri yaʋaShufami; naHufami, kwakabva mhuri yaʋaHufami.

40 Ndiʋo ʋanakomana ʋaBera: Ardi naNamani; kunaArdi kwakabva mhuri yaʋaArdi; naNamani, kwakabva mhuri yaʋaNamani.

41 Ndiʋo ʋanakomana ʋaBenjamini, nemhuri dzaʋo; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀishanu namazana matanhatu.

42 Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaDani, nemhuri dzaʋo: Shuhami, kwakabva mhuri yaʋaShuhami. Ndiʋo ʋemhuri dzaDani, nedzimba dzaʋo.

43 Mhuri dzose dzaʋaShuhami, ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matanhatu neɀinna namazana manna.

44 Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaAsheri, nemhuri dzaʋo: Imna, kwakabva mhuri yaʋaImna; naIshvi, kwakabva mhuri yaʋaIshvi; naBeria, kwakabva mhuri yaʋaBeria.

45 Ndiʋo ʋanakomana ʋaBeria: Heberi, kwakabva mhuri yaʋaHeberi; naMarkieri, kwakabva mhuri yaʋaMarkieri.

46 Zita romŋanasikana waAsheri rakaŋga riri Sera.

47 Ndidzo mhuri dzaAsheri; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀitanhatu namazana manna.

48 Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaNaftari, nemhuri dzaʋo: Jazeeri, kwakabva mhuri yaʋaJazeeri; naGuni, kwakabva mhuri yaʋaGuni;

49 naJezeri, kwakabva mhuri yaʋaJezeri; naShiremi, kwakabva mhuri yaʋaShiremi.

50 Ndidzo mhuri dzaNaftari, nemhuri dzaʋo; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀishanu namazana manna.

51 Ndiʋo ʋakaʋereŋgwa kuʋana ʋaIsraeri, ʋakaȿika ɀuru ɀinamazana matanhatu necuru cimŋe namazana manomŋe namakumi matatu.

52 Jehova akataura naMosesi, akati:

53 Nyika inofanira kugoʋerwa pakati paiʋaʋa, iʋe nhaka yaʋo, ʋaciʋereŋgwa namazita aʋo.

54 Ʋazhinji unofanira kuʋapa nhaka zhinji; ʋashoma unofanira kuʋapa nhaka shoma; mumŋe nomumŋe unofanira kupiwa seɀaʋakaʋereŋgwa.

55 Kunyaŋge ɀakaɗaro nyika inofanira kugoʋerwa nemijenya; ʋacapiwe‐nhaka namazita amarudzi amadziɓaɓa aʋo.

56 Nhaka yaʋo inofanira kugoʋerwa nemijenya kana ʋari ʋazhinji kana ʋari ʋashoma.

57 Ɀino ndiʋo ʋakaʋereŋgwa kuʋaRevi, nemhuri dzaʋo: Gershoni, kwakabva mhuri yaʋaGershoni; Kohati, kwakabva mhuri yaʋaKohati; Merari, kwakabva mhuri yaʋaMerari.

58 Ndidzo mhuri dzaʋaRevi: Mhuri yaʋaRibni, nemhuri yaʋaHebroni, nemhuri yaʋaMari, nemhuri yaʋaMushi, nemhuri yaʋaKora. Kohati akaɓereka Amrami.

59 Zita romukadzi waAmrami rakaŋga riri Jokebedi, mŋanasikana waRevi, wakaɓerekerwa Revi paEgipita; ndiye wakaɓerekera Amrami, Aroni, naMosesi, naMiriami, hanɀadzi yaʋo.

60 Aroni akaɓerekerwa Nadabi, naAbihu, naEreazari, naItamari.

61 Nadabi naAbihu ʋakafa, ŋguʋa yaʋakaʋuyisa mŋoto usina‐kufanira pamberi paJehova.

62 Ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀitatu, murume mumŋe nomumŋe wakaŋga anomŋedzi mumŋe naʋanopfuʋura; nokuti haʋana‐kuʋereŋgwa pakati paʋana ʋaIsraeri, nokuti haʋana‐kupiwa nhaka pakati paʋana ʋaIsraeri.

63 Ndiʋo ʋakaʋereŋgwa naMosesi naEreazari muprista, ʋakaʋereŋga ʋana ʋaIsraeri pamapani aMoabi, paJoridani paJeriko.

64 Asi pakati paʋo kwakaŋga kusinomurume mumŋe waʋaya ʋakaʋereŋgwa naMosesi naAroni, ʋakaŋga ʋaʋereŋga ʋana ʋaIsraeri murenje reSinai.

65 Nokuti Jehova wakaŋga ati pamsoro paʋo: Ɀirokwaɀo ʋacafira murenje. Hakunomumŋe waʋo wakaŋga asara, asi Karebi, mŋanakomana waJefune, naJoshua, mŋanakomana waNuni.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies