Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 25 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


ƲaIsraeri ʋanoita ʋupombge nokunamata ɀifananidzo paShitimi.

1 Ɀino ʋaIsraeri ʋakagara paShitimi, ʋanhu ʋakataŋga kuita ʋupombge naʋanasikana ʋaMoabi;

2 nokuti ʋakaɗana ʋanhu ʋaʋuye kuɀiɓayiro ɀaʋamŋari ʋaʋo; ʋanhu ʋakadya, ʋakafugamira ʋamŋari ʋaʋo.

3 ƲaIsraeri ʋakaɀisuŋganidza naBaari‐peori; Jehova akatsamŋira Israeri kwaɀo.

4 Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tora ʋakuru ʋose ʋaʋanhu, uʋasuŋgirire masikati makuru pamberi paJehova, kuti kutsamŋa kukuru kwaJehova kudzorwe kunaIsraeri.

5 Mosesi akati kuʋatoŋgi ʋaIsraeri: Mumŋe nomumŋe wenyu ŋgaaʋuraye ʋanhu ʋake ʋakaɀisuŋganidza naBaari‐peori.

6 Ɀino ʋonei mumŋe murume waʋana ʋaIsraeri akaʋuya kuhama dzake nomukadzi muMidiani, Mosesi neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri ʋaciɀiʋona, iʋo ʋari pakucema pamukoʋa wetente rokusoŋgana.

7 Ɀino Pinehasi, mŋanakomana waEreazari, mŋanakomana womuprista Aroni, wakati aciɀiʋona, akasimuka, akaɓuɗa pakati peʋuŋgano anepfumo muruʋoko rwake,

8 akateʋera murume uyo muIsraeri mukati metente, akaʋaɓaya nepfumo nomuɗumbu, iʋo ʋaʋiri, murume muIsraeri nomukadzi; naiɀoɀo ɗenda rakaguma pakati paʋana ʋaIsraeri.

9 Ʋose ʋakaŋga ʋafa neɗenda iro ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀinna.

10 Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati:

11 Pinehasi, mŋanakomana waEreazari, mŋanakomana womuprista Aroni, wadzora kutsamŋa kwaŋgu kuʋana ʋaIsraeri; nokuti wakaŋga aneshuŋgu pakati paʋo, dzakafanana neshuŋgu dzaŋgu, naiɀoɀo handina‐kuparadza ʋana ʋaIsraeri neshuŋgu dzaŋgu.

12 Naiɀoɀo uti: Tarira, ndinomupa suŋgano yaŋgu yorugare,

13 icaʋa kwaari nokuʋana ʋake ʋanomuteʋera suŋgano yoʋuprista bgusiŋgaperi; nokuti wakaŋga aneshuŋgu nokuɗa kwaMŋari wake, akayananisira ʋana ʋaIsraeri.

14 Zita romurume uyo muIsraeri wakaʋurawa, iye wakaʋurawa pamŋe cete nomukadzi muMidiani, rakaŋga riri Zimri, mŋanakomana waSaru, mucinda weimba yamadziɓaɓa pakati paʋaSimeoni.

15 Zita romukadzi muMidiani wakaʋurawa, rakaŋga riri Kozbi, mŋanasikana waZuri; iye wakaŋga ari mukuru waʋanhu weimba yamadziɓaɓa paʋaMidiani.

16 Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:

17 Ʋambana naʋaMidiani, uʋaparadze;

18 nokuti iʋo ʋakaʋambana nemi namano aʋo, aʋakakunyeŋgerai nawo paneɀakaitwa paPeori neɀakaitwa naKozbi, mŋanasikana womucinda waʋaMidiani, hanɀadzi yaʋo, wakaʋurawa nomusi weɗenda nokuɗa kweɀakaitwa paPeori.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies