Numeri 24 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Ɀino Barami wakati aciʋona kuti ɀakaŋga ɀicifadza Jehova kuropafadza Israeri, haana‐kuzoenda sapanedzimŋe ŋguʋa, kutȿaka ʋuŋaŋga, asi wakariŋgira kurenje, 2 Barami akasimudza meso ake, akaʋona ʋaIsraeri ʋagere namarudzi aʋo; Mŋeya waMŋari akaʋuya pamsoro pake, 3 akataura nomufananidzo wake, akati: Ɀanzi naBarami, mŋanakomana waBeori, Ɀanzi nomurume wakaȿinudzwa meso ake, 4 Ɀanzi naiye unonzwa mashoko aMŋari, Iye unoʋona ɀinoratidzwa naWamasimba ose, Iye unowira pasi, aȿinudzwa meso ake: 5 Matente ako akanaka ɀikuru sei, iwe Jakobo, Nedzimba dzako, iwe Israeri! 6 Ʋakatasanurwa semipata, Seminda kunhiʋi dzorwizi, Samagaʋakaʋa akasimŋa naJehova, Semicindwe pedyo nemvura. 7 Mvura inobva paɀiroŋgo ɀake, Mbeu dzake dzicaʋa pamvura zhinji. Mambo wake ucakurira Agagi, Ʋushe bgake bgucakuriswa. 8 Mŋari wakamuɓuɗisa Egipita, Unesimba rakafanana nerenyati; Ucapedza ʋahedeni, iʋo ʋaʋeŋgi ʋake; Ucavuna‐vuna mafupa aʋo, Nokuʋabvoʋora nemiseʋe yake. 9 Unokotama, unoʋata pasi seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko ucamumutsa? Mumŋe nomumŋe unokuropafadza, ŋgaaropafadzwe, Mumŋe nomumŋe unokutuka, ŋgaatukwe. 10 Ipapo Baraki akatsamŋira Barami kwaɀo, akaɓuɓudza maʋoko ake; Baraki akati kunaBarami: Ndakuɗana, kuti utuke ʋaʋeŋgi ʋaŋgu, asi tarira, waramba uciŋgoʋaropafadza katatu. 11 Naiɀoɀo ɀino citiza hako kunɀimbo yako; nokuti ndakati ndicakukudza kwaɀo; asi tarira, Jehova wadziʋisa kukudzwa kwako. 12 Barami akati kunaBaraki: Ko handina‐kutaura ʋo kunhume dzako, dzawakatuma kwandiri, ndiciti: 13 Kunyaŋge Baraki akandipa imba yake izere nesirveri nendarama, handiŋgagoni kuɗarika shoko raJehova, ndiite nomŋoyo waŋgu ɀakanaka kana ɀakaipa; ɀinotaurwa naJehova, ndiɀo ɀandicaita? 14 Ɀino tarira, ndinoenda haŋgu kurudzi rwaŋgu; ʋuya ndikuʋudze ɀicaitirwa ʋanhu ʋako naʋanhu aʋa pamazuʋa okupedzisira. 15 Akataura nomufananidzo wake, akati: Ɀanzi naBarami, mŋanakomana waBeori, Ɀanzi nomurume wakaȿinudzwa meso ake; 16 Ɀanzi naiye unonzwa mashoko aMŋari, Iye unoziʋa ziʋo yoWokuɗeŋgaɗeŋga, Iye unoʋona ɀinoratidzwa noWamasimba ose, Iye unowira pasi, aȿinudzwa meso ake: 17 Ndinomuʋona, asi handimuʋoni ɀino; Ndinomuʋona, asi handimuʋoneri pedyo; Nyeredzi icaɓuɗa kunaJakobo, Netȿimbo yoʋushe icabva kunaIsraeri; Icabvoʋora nyika yaMoabi, Nokuparadza ʋanakomana ʋose ʋeɓope. 18 Edomi icaʋa nhaka yake, NeSeiri ʋo icaʋa nhaka yake, ndiʋo ʋaʋeŋgi ʋake; Asi Israeri ucakunda. 19 Mumŋe, ucabva kunaJakobo, ucaʋa noʋushe, Ucaparadza ʋakasara muguta. 20 Ɀino akatarira Amareki, akataura nomufananidzo wake, akati: Amareki ndiye wokutaŋga waʋahedeni, Asi pakupedzisira ucaparadzwa. 21 Ɀino akatarira ʋaKeniti, akataura nomufananidzo wake, akati: Ʋugaro bgako bgakasimba, Ƌendere rako rakateyiwa paɗombo. 22 Kunyaŋge ɀakaɗaro Kaini ucaparadzwa, Kusikira iwe ucitapxa naAshuri. 23 Akataura nomufananidzo wake akati: Haiwa! ndianiko ucararama, kana Mŋari aciita saiɀoɀo? 24 Asi ɀikepe ɀicabva kurutiʋi rweKitimi, Ɀicarwadza Ashuri, nokurwadza Eberi, Naiye ʋo ucaparadzwa. 25 Ipapo Barami akasimuka, akadzokera kunɀimbo yake; naBaraki akaenda ʋo. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society