Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 21 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Nyoka yendarira.

1 Ɀino mambo weAradi, muKanani, wakaŋga agere kunyika yeZasi, wakati anzwa kuti ʋaIsraeri ʋoʋuya nenzira yeAtarimi, akarwa naʋaIsraeri, akatapa ʋamŋe ʋaʋo.

2 Ipapo ʋaIsraeri ʋakapikira Jehova mhiko, ʋakati: Kana mukapa ʋanhu aʋa mumaʋoko eɗu, ticaparadza maguta aʋo cose.

3 Jehova akaterera inzwi raʋaIsraeri, akaʋapa ʋaKanani; ʋakaʋaparadza cose namaguta aʋo; nɀimbo iyo ikanzi Horma.

4 Ɀino ʋakasimuka pagomo reHori, ʋakafamba nenzira inoenda kuGuŋgwa Dɀuku, kuti ʋanyenyeredze nyika yaEdomi; ʋanhu ʋakapera mŋoyo kwaɀo panzira.

5 Ipapo ʋanhu ʋakapopotera Mŋari naMosesi, ʋakati: Makatiɓuɗisireiko Egipita, kuti tifire murenje? Nokuti hapane‐ɀokudya, hapane‐mvura; mŋeya yeɗu inosema ɀokudya iɀi ɀakaipa.

6 Jehova akatuma nyoka dzinopeŋga pakati paʋanhu, dzikaruma ʋanhu, ʋanhu ʋazhinji ʋaIsraeri ʋakafa.

7 Ɀino ʋanhu ʋakaʋuya kunaMosesi, ʋakati: Takatadza, nokuti takapopotera Jehova nemi; kumbirai kunaJehova kuti abvise nyoka kwatiri. Mosesi akakumbirira ʋanhu.

8 Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Uɀiitire nyoka inopeŋga, ugoiturika paɗanda; ɀino mumŋe nomumŋe wakarumŋa kana akaitarira, ucararama.

9 Mosesi akaita nyoka yendarira, akaiturika paɗanda; ɀino mumŋe nomumŋe wakati kana arumŋa, akatarira nyoka iyo yendarira, wakararama.

10 Ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba, ʋakandodzika matente aʋo paOboti.

11 Ʋakabva Oboti, ʋakandodzika matente aʋo paIje‐abarimi, murenje riri pamberi paMoabi, kumabvazuʋa.

12 Ʋakafamba ʋacibva ipapo, ʋakandodzika matente aʋo pamupata weZeredi.

13 Ʋakafamba ʋacibva ipapo, ʋakandodzika matente aʋo kumhiri kwaArnoni, rwizi rwaiʋa murenje, rwaibva kunyika yaʋaAmori; nokuti Arnoni ndiwo muganho waʋaMoabi, pakati paMoabi naʋaAmori.

14 Naiɀoɀo pabuku yeHondo dzaJehova panoti: Vahebi paSufa, Nemipata yaArnoni,

15 Nemikwidzwa yemipata Inorerekera kunɀimbo yeAri, Inosendamira pamuganho waMoabi.

16 Ʋakafamba ʋacibva ipapo, ʋakaenda Beeri; ndiro tsime rakanzi naJehova kunaMosesi: Ʋuŋganidza ʋanhu, ndicaʋapa mvura.

17 Ɀino ʋaIsraeri ʋakaimba rwiyo urwu: Civaira, iwe tsime; imi muriimbire;

18 Ndiro tsime rakacerwa namacinda, Rakacerwa naʋakuru ʋaʋanhu Netȿimbo yoʋushe, ʋuye netȿimbo dzaʋo. Ʋakabva murenje, ʋakaenda Matana;

19 ʋakabva Matana, ʋakaenda Naharieri; ʋakabva Naharieri, ʋakaenda Bamoti;

20 ʋakabva Bamoti, ʋakaenda kumupata uri kuɓani raMoabi, kuȿikira kumusoro wegomo rePisga, rinotarira pasi kurenje.

21 Ɀino ʋaIsraeri ʋakatuma nhume kunaSihoni, mambo waʋaAmori, ʋaciti:

22 Nditendere kupfuʋura napanyika yako; hatiŋgatsaukiri kumunda kana kumunda wemizambiriŋga; hatiŋganwi mvura yamatsime; ticafamba nenzira huru yamambo, kuȿikira taɓuɗa panyika yako.

23 Asi Sihoni wakaramba kutendera ʋaIsraeri kupfuʋura napanyika yake; Sihoni akaʋuŋganidza ʋanhu ʋake ʋose, akaenda kurenje kundorwa naʋaIsraeri, akaȿika paJahazi; akarwa naʋaIsraeri.

24 Asi ʋaIsraeri ʋakamukunda neminondo inopinza, ʋakatora nyika yake kubva paArnoni kuȿikira paJaboki, kuȿikira paʋana ʋaAmoni; nokuti muganho waʋana ʋaAmoni wakaŋga wakasimba.

25 Naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakakunda maguta iwayo ose; ʋaIsraeri ʋakagara mumaguta ose aʋaAmori, muHeshboni napamisha yaro yose.

26 Nokuti Heshboni rakaŋga riri guta raSihoni, mambo waʋaAmori, iye wakaŋga arwa namambo wokutaŋga waMoabi, akamutorera nyika yake yose kuȿikira paArnoni.

27 Naiɀoɀo ʋanotaura neshumo ʋanoti: Ʋuyai muHeshboni, Guta raSihoni ŋgariʋakwe, risimbiswe;

28 Nokuti mŋoto wakaɓuɗa muHeshboni, Nomuraɀo paguta raSihoni, Ukaparadza Ari waMoabi, Madzishe enɀimbo dzakakwirira dzaArnoni.

29 Unenhamo iwe Moabi! Mapera imi ʋanhu ʋeKemoshi; Wakapa Sihoni ʋanakomana ʋake ʋatize, Naʋanasikana ʋake ʋatapxe, Sihoni, mambo waʋaAmori.

30 Takaʋafura; Heshboni raparadzwa kuȿikira paDiboni, Takaparadza kuȿikira paNofa, Mŋoto ukaȿika paMedeba.

31 Naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakagara munyika yaʋaAmori.

32 Ɀino Mosesi akatuma ʋanhu kundoshora Jazeri, ʋakakunda misha yaro, ʋakadziŋga ʋaAmori ʋakaŋga ʋagere’mo.

33 Ipapo ʋakadzoka, ʋakakwira nenzira inoenda Bashani; ɀino Ogi, mambo weBashani, akaʋuya kuzorwa naʋo paEdrei, iye naʋanhu ʋake ʋose.

34 Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Usamutya hako, nokuti ndakamupa mumaʋoko ako, iye naʋanhu ʋake ʋose, nenyika yake; unofanira kumuitira iye seɀawakaitira Sihoni, mambo waʋaAmori, waigara paHeshboni.

35 Naiɀoɀo ʋakamukunda, iye naʋanakomana ʋake ʋose, kudzimana asina‐kusarirwa nomumŋe; ʋakatora nyika yake.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies