Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 20 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mvura yeMeriba.

1 Ɀino ʋana ʋaIsraeri, ʋuŋgano yose, ʋakaȿika murenje reZini nomŋedzi wokutaŋga, ʋanhu ʋakagara paKadeshi. Miriami akafira’po, akaʋigwa ʋo ’po.

2 Ipapo pakaŋga pasine‐mvura yokunwa yeʋuŋgano yose; ɀino ʋanhu ʋakaʋuŋganira kunaMosesi naAroni.

3 Ʋanhu ʋakarwa naMosesi, ʋakataura, ʋaciti: Ƌai takafa heɗu ŋguʋa yakafa hama dzeɗu pamberi paJehova!

4 Makaʋuyisireiko ʋuŋgano yaJehova murenje rino, kuti tifire’mo, isu neɀipfuwo ɀeɗu?

5 Makatiɓuɗisireiko muEgipita, kuzotiisa panɀimbo iyi yakaipa? Haizi nɀimbo yembeu, kana yamaʋonde, kana yemizambiriŋga, kana yamatamba; nemvura yokunwa hapana.

6 Ipapo Mosesi naAroni ʋakabva paʋuŋgano, ʋakaenda kumukoʋa wetente rokusoŋgana, ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo; kubginya kwaJehova kukaratidzwa kwaʋari.

7 Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati:

8 Tora tȿimbo, uʋuŋganidze ʋuŋgano, iwe naAroni mukuru wako, mutaure neɗombo pamberi paʋo, kuti riɓuɗise mvura yaro; unofanira kuʋaɓuɗisira mvura paɗombo, unwise ʋuŋgano neɀipfuwo ɀaʋo.

9 Ipapo Mosesi akatora tȿimbo, yakaŋga iri pamberi paJehova, seɀaakaŋga arairwa naye.

10 Mosesi naAroni ʋakaʋuŋganidza ʋuŋgano pamberi peɗombo, akati kwaʋari: Ɀino, cinzwai, imi ʋokumukira Jehova, ko tiŋgakuɓuɗisirai mvura paɗombo iri here?

11 Ipapo Mosesi akasimudza ruʋoko rwake, akaroʋa ɗombo kaʋiri netȿimbo yake, mvura ikaɓuɗa zhinji‐zhinji, ʋuŋgano ikanwa, neɀipfuwo ɀaʋo.

12 Ipapo Jehova akati kunaMosesi naAroni: Ɀamusina‐kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi paʋana ʋaIsraeri, hamuŋgapinzi ʋuŋgano iyi munyika yandakaipa.

13 Ndiyo mvura yeMeriba, nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakarwa naJehova, akaɀiratidza kwaʋari ari Mutȿene.

14 Ɀino Mosesi akatuma nhume, dzaibva Kadeshi, kunamambo weEdomi, aciti: Ɀanzi nomunuŋuna wako Israeri: Unoziʋa nhamo dzose dzakatiwira;

15 kuti madziɓaɓa eɗu akaɓurukira Egipita, tikagara Egipita ŋguʋa huru, ʋaEgipita ʋakatiitira ɀakaipa, isu namadziɓaɓa eɗu;

16 ɀino takati ticicema kunaJehova, iye akanzwa manzwi eɗu, akatuma mutumŋa kutiɓuɗisa paEgipita; ɀino tarirai, tiri paKadeshi, paguta riri pamuganho wenyika yako;

17 ɗotitendera kupfuʋura napanyika yako; hatiŋgafambi napaminda, kana napaminda yemizambiriŋga; hatiŋganwi mvura yamatsime; ticafamba nenzira huru yamambo; hatiŋgatsaukiri kurudyi kana kuruɓoshwe, kuȿikira taɓuɗa panyika yako.

18 Ipapo Edomi akati kwaari: Hauŋgapfuʋuri nokwandiri, kuti ndirege kuʋuya kuzorwa newe nomunondo.

19 Ʋana ʋaIsraeri ʋakati kwaari: Ticakwira nenzira huru; kana tikanwa mvura yako, ini neɀipfuwo ɀaŋgu, ndicaripa muteŋgo wayo; nditendere kwoga kupfuʋura namakumbo aŋgu, hakunerimŋe shoko.

20 Iye akati: Hauŋgapfuʋuri. Ɀino Edomi akaʋuya kuzorwa naye naʋanhu ʋazhinji, noruʋoko runesimba.

21 Naiɀoɀo Edomi wakaramba kutendera ʋaIsraeri kupfuʋura napanyika yake. Ipapo ʋaIsraeri ʋakatsauka kwaari.


Kufa kwaAroni.

22 Ɀino ʋakasimuka paKadeshi, ʋana ʋaIsraeri, iyo ʋuŋgano yose, ʋakaȿika pagomo reHori.

23 Ipapo Jehova akataura naMosesi naAroni pagomo reHori, pamuganho wenyika yaEdomi, akati:

24 Aroni ucasoŋganiswa naʋanhu ʋake, nokuti haaŋgapindi munyika yandakapa ʋana ʋaIsraeri, nokuti makaramba shoko raŋgu pamvura yeMeriba.

25 Tora Aroni nomŋanakomana wake Ereazari, ukwire naʋo pagomo reHori;

26 ɀino ubvise ŋguʋo dzake, ugodzifukidza Ereazari mŋanakomana wake; ipapo Aroni ucasoŋganiswa naʋanhu ʋake, ucafira’po.

27 Mosesi akaita seɀaakarairwa naJehova; ʋakakwira pagomo reHori pamberi peʋuŋgano yose.

28 Ɀino Mosesi wakabvisa ŋguʋo dzaAroni, akadzifukidza Ereazari mŋanakomana wake; Aroni akafira’po pamusoro wegomo; Mosesi naEreazari ʋakaɓuruka haʋo pagomo.

29 Ɀino ʋuŋgano yose yakati iciʋona kuti Aroni wafa, ʋakacema Aroni mazuʋa makumi matatu, iyo imba yose yaIsraeri.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies