Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 19 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Tsiru dɀuku rinofanira kupiswa.

1 Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni, akati:

2 Ndiwo murairo wakarairwa naJehova, aciti: Taura naʋana ʋaIsraeri ʋaʋuye kwauri netsiru dɀuku risinemhoȿa, risina‐kuremara, risina‐kumboiswa joko.

3 Ɀino munofanira kuripa Ereazari muprista, iye ariɓuɗise kunze kwemisasa, rigoʋurawa pamberi pake.

4 Ipapo Ereazari muprista unofanira kutora ropa raro nomunwe wake, nokusasa ropa raro kanomŋe kurutiʋi rwemberi rwetente rokusoŋgana;

5 ɀino tsiru rinofanira kupiswa pamberi pake; ɗebge raro, nenyama yaro, neropa raro, pamŋe cete namaɀiɀi aro, ɀinofanira kupiswa.

6 Ɀino muprista unofanira kutora rutanda rwomusidari nehisopi, nomuceka mutȿuku, ndokuɀikandira pakati pomŋoto unopisa tsiru.

7 Ipapo muprista unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokushambidza muʋiri wake nemvura, ndokuzopinda mumisasa, muprista agoʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.

8 Nomunhu unoripisa unofanira kusuka ŋguʋo dzake nemvura, nokushambidza muʋiri wake nemvura, agoʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.

9 Ɀino mumŋe munhu wakanaka unofanira kuʋuŋganidza maɗota etsiru, ndokuaceŋgeta kunze kwemisasa panɀimbo yakanaka, kuti aceŋgeterwe ʋuŋgano yaʋana ʋaIsraeri, kuzoita nawo mvura yokunatsa nayo; cipiriso ceɀiʋi.

10 Ɀino iye wakaʋuŋganidza maɗota etsiru, unofanira kusuka ŋguʋo dzake, agoʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko; unofanira kuʋa mutemo usiŋgaperi kuʋana ʋaIsraeri nokuʋatorwa ʋagere pakati paʋo.

11 Munhu unoɓata citunha comunhu upi noupi, unofanira kuʋa usina‐kunaka mazuʋa manomŋe.

12 Iye unofanira kuɀinatsa nayo nezuʋa retatu, agoʋa wakanaka nezuʋa recinomŋe; asi kana asiŋgaɀinatsi nezuʋa retatu, haaŋgaʋi wakanaka nezuʋa recinomŋe.

13 Aninani unoɓata wakafa, ciri citunha comunhu upi noupi wakafa, akasaɀinatsa, unoȿiɓisa tabernakeri yaJehova; munhu uyo unofanira kubviswa pakati paʋaIsraeri; mvura inonatsa ɀaisinakusaswa pamsoro pake, unofanira kuʋa usina‐kunaka; tȿina yake iciri kwaari.

14 Ndiwo murairo kana munhu akafa mutente: Mumŋe nomumŋe unopinda mutente, nomumŋe nomumŋe uri mutente, ucaʋa usina‐kunaka mazuʋa manomŋe.

15 Nemidziyo yose yakashama, isinecifunhiro cakasuŋgirwa, icaʋa isina‐kunaka.

16 Aninani unoɓata munhu wakaʋurawa kusaŋgo nomunondo, kana citunha, kana fupa romunhu, kana bgiro, ucaʋa usina‐kunaka mazuʋa manomŋe.

17 Ɀino munhu usina‐kunaka unofanira kundotorerwa maɗota ecipiriso ceɀiʋi cakapiswa, mvura inoyerera igoɗirwa pamsoro pawo mumudziyo,

18 ɀino munhu wakanaka unofanira kutora hisopi, ndokuinyika mumvura, ndokuisasa patente, napanhumbi dzose, napaʋanhu ʋose ʋaiʋa’po, napamunhu wakaɓata fupa, kana wakaŋga aʋurawa, kana wakafa, kana bgiro;

19 ɀino munhu wakanaka unofanira kusasa munhu usina‐kunaka nezuʋa retatu nerecinomŋe; nezuʋa recinomŋe unofanira kumunatsa; ɀino iye unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokuɀishambidza nemvura, agoʋa wakanaka maɗeko.

20 Asi kana munhu akaȿiɓiswa akasaɀinatsa, munhu uyo unofanira kubviswa pakati peʋuŋgano, nokuti waȿiɓisa imba tȿene yaJehova; mvura inonatsa haina‐kusaswa pamsoro pake; haana‐kunaka.

21 Unofanira kuʋa mutemo usiŋgaperi kwaʋari. Munhu unosasa mvura inonatsa, unofanira kusuka ŋguʋo dzake; naiye unoɓata mvura inonatsa, ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.

22 Neɀose ɀinoɓatwa nomunhu usina‐kunaka, ɀicaʋa ɀisina‐kunaka; nomunhu unoɀiɓata ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies