Numeri 17 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Tȿimbo yaAroni. 1 Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2 Taura naʋana ʋaIsraeri, utore kwaʋari tȿimbo, imŋe paimba imŋe neimŋe yamadziɓaɓa aʋo, tȿimbo dzinegumi nembiri, pamacinda aʋo ose nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo; ɀino unofanira kunyora zita romumŋe nomumŋe patȿimbo yake. 3 Asi zita raAroni unofanira kurinyora patȿimbo yaRevi; nokuti kunofanira kuʋa netȿimbo imŋe yomukuru mumŋe nomumŋe wedzimba dzamadziɓaɓa aʋo. 4 Ɀino unofanira kudziceŋgeta mutente rokusoŋgana pamberi peareka yecipupuriro, pandinosoŋgana nemi. 5 Ipapo munhu wandicatsaura, tȿimbo yake icaɓuka, kuti ndigumise kunyunyuta kwaʋana ʋaIsraeri kwaʋanokunyunyutira nako. 6 Ɀino Mosesi akataura naʋana ʋaIsraeri, macinda aʋo ose akamupa tȿimbo, imŋe yomucinda mumŋe nomumŋe nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ndidzo tȿimbo gumi nembiri; netȿimbo yaAroni yakaŋga iri pakati petȿimbo dzaʋo. 7 Mosesi akaceŋgeta tȿimbo idzo pamberi paJehova mutente recipupuriro. 8 Fume maŋgwana Mosesi akapinda mutente recipupuriro, ʋonei tȿimbo yaAroni yeimba yaRevi yakaŋga yaɓuka, yaʋa namaɓukira, yaɓuɗisa maruʋa, yaɓereka maamanda akaŋga aibva. 9 Ipapo Mosesi akaɓuɗisa tȿimbo dzose pamberi paJehova kuʋanhu ʋaIsraeri ʋose; ʋakatarira, mumŋe nomumŋe akatora tȿimbo yake. 10 Jehova akati kunaMosesi: Dzosera tȿimbo yaAroni pamberi pecipupuriro, iceŋgetwe ciʋe ciratidzo caʋanhu ʋakandimukira; kuti ugumise kundinyunyutira kwaʋo, ʋarege kufa. 11 Mosesi akaita saiɀoɀo; seɀaakarairwa naJehova, ndiɀo ɀaakaita. 12 Ʋana ʋaIsraeri ʋakataura naMosesi, ʋakati: Tarira, tofa, topera, topera tose. 13 Mumŋe nomumŋe unosweɗera, unosweɗera kutabernakeri yaJehova, unofa; ɀino ticafa tose kanhi? |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society