Numeri 16 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Kora, Datani naAbirami ʋanomukira Mosesi naAroni. 1 Ɀino Kora, mŋanakomana waIzari, mŋanakomana waKohati, mŋanakomana waRevi, naDatani naAbirami, ʋanakomana ʋaEriabi, naOni, mŋanakomana waPereti, ʋanakomana ʋaRubeni, ʋakatora ʋarume, 2 ʋakamukira Mosesi, ʋanaʋamŋe ʋaʋana ʋaIsraeri, ʋaiʋa ʋakuru ʋeʋuŋgano ʋanamazana maʋiri namakumi mashanu, ʋakaŋga ʋakaɗanwa kumakurukota, ʋarume ʋakaŋga ʋakakurumbira; 3 ʋakaʋuŋganira kunaMosesi naAroni, ʋakati kwaʋari: Ɀariŋgana, nokuti ʋanhu ʋose ʋeʋuŋgano ʋatȿene, mumŋe nomumŋe waʋo; Jehova uri pakati paʋo; imi munoɀikudzireiko pamakurukota aJehova? 4 Mosesi wakati aciɀinzwa, akawira pasi neciso cake; 5 akataura naKora neɓoka rake rose, akati: Maŋgwana Jehova ucaratidza kuti ʋanhu ʋake ndiʋanani, ʋuye kuti mutȿene ndiani, ʋuye kuti ndiani waacasweɗedza kwaari; iye waanotsaura, ndiye waacazosweɗedza kwaari. 6 Itai kuɗai: Torai haryana dzeɀinonhuwira, iwe Kora, naʋeɓoka rako rose; 7 maŋgwana muise mŋoto mukati madzo, nokuisa ʋo ɀinonhuwira pamsoro padzo pamberi paJehova; ɀino munhu unotsaurwa naJehova, ndiye ucaʋa mutȿene. Ɀariŋgana, imi ʋanakomana ʋaRevi. 8 Mosesi akati ʋo kunaKora: Tererai, imi ʋanakomana ʋaRevi: 9 Ko munoti cinhu ciɗuku kuti Mŋari waIsraeri wakakutsaurai paʋuŋgano yaIsraeri, kuti akusweɗedzei kwaari, kuti muɓate ɓasa retabernakeri yaJehova, nokumira pamberi peʋuŋgano, nokuʋaɓatira, 10 akakusweɗedza, nehama dzako dzose, ʋanakomana ʋaRevi, pamŋe cete newe here? Ɀino motȿaka ʋuprista ʋo here? 11 Naiɀoɀo iwe neɓoka rako rose maʋuŋgana kuzorwa naJehova; Aroni ndianiko, ɀamunomupopotera iye? 12 Ipapo Mosesi akatuma munhu kundoɗana Datani naAbirami, ʋanakomana ʋaEriabi; asi iʋo ʋakati: Hatiɗi kukwira’ko. 13 Cinhu ciɗuku here ɀawakatiɓuɗisa munyika inoyerera mukaka noʋuci, kuti utiʋurayire murenje; ɀino woɗo‐kuɀiita ishe pamsoro peɗu here? 14 Ʋuye hauna‐kutiisa munyika inoyerera mukaka noʋuci, kana kutipe‐nhaka yeminda neyeminda yemizambiriŋga; ɀino unoɗa kutumbura meso aʋanhu aʋa here? Hatiɗi kukwira’ko. 15 Ipapo Mosesi akatsamŋa kwaɀo, akati kunaJehova: Musagamucira cipiriso caʋo; handina‐kuʋatorera mboŋgoro imŋe, handina‐kuitira mumŋe waʋo ɀakaipa. 16 Ipapo Mosesi akati kunaKora: Iwe neɓoka rako rose, ʋuyai pamberi paJehova maŋgwana, iwe, naiʋo, naAroni; 17 mumŋe nomumŋe atore haryana yake yeɀinonhuwira, muise ɀinonhuwira mukati madzo, muʋuye nadzo pamberi paJehova, mumŋe nomumŋe haryana yake yeɀinonhuwira, haryana dzinamazana maʋiri namakumi mashanu; newe ʋo, naAroni, mumŋe nomumŋe haryana yake. 18 Ɀino mumŋe nomumŋe wakatora haryana yake, akaisa mŋoto mukati mayo, akaisa ʋo ɀinonhuwira pamsoro padzo, akandomira pamukoʋa wetente rokusoŋgana, pamŋe cete naMosesi naAroni. 19 Kora akaʋuŋganidza ʋuŋgano yose pamukoʋa wetente rokusoŋgana; kubginya kwaJehova kukaʋonekwa neʋuŋgano yose. 20 Ipapo Jehova akataura naMosesi naAroni, akati: 21 Ɀitsaurei imi paʋuŋgano iyi, ndiʋaparadze pakarepo. 22 Ɀino ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo, ʋakati: Haiwa, Mŋari, Mŋari wemŋeya yaʋanhu ʋose, ko kana munhu mumŋe akatadza, muŋgatsamŋira ʋuŋgano yose here? 23 Ipapo Jehova akataura naMosesi, akati: 24 Taura neʋuŋgano, uti: Ibvai patabernakeri yaKora, naDatani, naAbirami. 25 Ipapo Mosesi akasimuka, akaenda kunaDatani naAbirami; ʋakuru ʋaIsraeri ʋakamuteʋera. 26 Akataura neʋuŋgano, akati: Ibvai pamatente aʋarume aʋa ʋakaipa, musatoŋgoɓata cinhu caʋo, kuti murege kuparadzwa paɀiʋi ɀaʋo ɀose. 27 Naiɀoɀo ʋakabva patabernakeri yaKora, naDatani, naAbirami, kumatiʋi ose; Datani naAbirami ʋakaɓuɗa, ʋakandomira pamikoʋa yamatente aʋo naʋakadzi ʋaʋo naʋana ʋaʋo, neɀana ɀaʋo ɀiɗuku. 28 Ɀino Mosesi akati: Mucaziʋa neɀiɀi kuti Jehova wakandituma kuti ndiite maɓasa awa ose; nokuti handina‐kuaita nokuɗa kwaŋgu. 29 Kana ʋarume aʋa ʋakafa saʋamŋe ʋanhu ʋose, kana ɀimŋe ʋakaȿikirwa neɀinoȿikira ʋamŋe ʋanhu ʋose, Jehova haana‐kundituma. 30 Asi kana Jehova akasika cinhu citȿa, nyika ikashamisa muromo wayo, ikaʋamedza, iʋo neɀose ɀaʋo, ʋakaɓurukira mubgiro ʋari ʋapenyu, ipapo mucaziʋa kuti ʋarume aʋa ʋakaɀidza Jehova. 31 Ɀino wakati apedza kutaura mashoko awa ose, pasi paʋo pakatsemuka, 32 nyika ikashamisa muromo wayo, ikaʋamedza, iʋo nemhuri dzaʋo, naʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari ʋaKora, nenhumbi dzaʋo dzose. 33 Naiɀoɀo iʋo, neɀose ɀaʋo, ʋakaɓurukira kubgiro ʋari ʋapenyu; ivu rikaʋafukidza, ʋakaparadzwa pakati peʋuŋgano. 34 Ipapo ʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋakaʋakomba ʋakatiza nokucema kwaʋo, nokuti ʋakati: Nyika irege kutimedza ʋo. 35 Ipapo mŋoto ukaɓuɗa kunaJehova, ukaparadza ʋarume aʋo ʋaiʋa namazana maʋiri namakumi mashanu, ʋakaŋga ʋacipisira ɀinonhuwira. 36 Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: 37 Taura naEreazari, mŋanakomana waAroni muprista, kuti anoŋge haryana dzeɀinonhuwira pakati pomŋoto, iwe uparadzire mŋoto kure, nokuti haryana itȿene; 38 idzo haryana dzeɀinonhuwira dzaʋanhu aʋo ʋakatadza ʋakaʋurawa, dzipambadzirwe, kufukidza artari nadzo; nokuti ʋakaŋga ʋaʋuya nadzo pamberi paJehova, naiɀoɀo itȿene; cicaʋa ciratidzo kuʋana ʋaIsraeri. 39 Ɀino muprista Ereazari wakatora haryana dzeɀinonhuwira dzendarira, dzakaŋga dzaʋuyiswa naʋakazopiswa, akadzipambadzira kuti artari ifukidzwe nadzo; 40 kuti ciʋe ciraŋgaridzo kuʋana ʋaIsraeri, kuti mutorwa, usati ari worudzi rwaAroni, arege kusweɗera kuti apise ɀinonhuwira pamberi paJehova, arege kuzoitirwa saKora neɓoka rake; seɀakataura Jehova naye nomuromo waMosesi. 41 Fume maŋgwana ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri yakapopotera Mosesi naAroni, ʋaciti: Imi makaʋuraya ʋanhu ʋaJehova. 42 Ɀino ʋuŋgano yakati yaʋuŋgana kuzorwa naMosesi naAroni, ʋakatarira kutente rokusoŋgana, ʋakaʋona kuti gore rarifukidza, nokubginya kwaJehova kukaʋonekwa. 43 Ipapo Mosesi naAroni ʋakandomira pamberi petente rokusoŋgana, 44 Jehova akataura naMosesi, akati: 45 Ibvai paʋuŋgano iyi, ndiʋaparadze pakarepo. Iʋo ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo. 46 Mosesi akati kunaAroni: Tora haryana yako yeɀinonhuwira, uise mŋoto unobva paartari mukati mayo, nokuisa ʋo ɀinonhuwira pamsoro payo, ukurumbidze kuenda naɀo kuʋuŋgano, uʋayananisire; nokuti Jehova watsamŋa, ɗenda rataŋga. 47 Aroni akaitora, seɀakataura Mosesi, akamhanyira pakati peʋuŋgano, ʋonei ɗenda rakaŋga rataŋga pakati paʋanhu; akaisa ɀinonhuwira pamsoro payo, akayananisira ʋanhu. 48 Akandomira pakati paʋakafa naʋapenyu, ɗenda rikaguma. 49 Ɀino ʋakaŋga ʋafa neɗenda ʋakaȿika ɀuru ɀinegumi neɀinna namazana manomŋe, ʋakaŋga ʋafa nokuɗa kwaKora ʋasiŋgaʋereŋgwi. 50 Ipapo Aroni akadzokera kunaMosesi kumukoʋa wetente rokusoŋgana, ɗenda rikaguma. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society