Numeri 15 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Mirairo yeɀipiriso. 1 Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2 Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana mapinda munyika yamunozogara, yandinokupai; 3 kana muciɗa kugadzirira Jehova cipiriso pamŋoto, cipiriso cinopiswa, kana ciɓayiro, cokupika naco, kana cokuŋgopa nokuɗa kwenyu, kana pamitambo yenyu yakatarwa, kuti mupe Jehova cinonhuwira ɀakanaka, ceŋombe kana camakwai; 4 ɀino iye unopa cipo cake, unofanira kupa Jehova cipiriso coʋupfu cecegumi ceefa yoʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa nececinna cehini yamafuta; 5 unofanira kugadzira ʋo waini yecipiriso cinoɗururwa, cecinna cehini, pamŋe cete necipiriso cinopiswa, kana neciɓayiro, pagwaiana rimŋe nerimŋe. 6 Kana riri gondobge, unofanira kurigadzirira cipiriso coʋupfu ceɀegumi ɀiʋiri ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa necetatu cehini yamafuta; 7 unofanira kupa ʋo cetatu cehini yewaini, ciʋe cipiriso cinoɗururwa, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. 8 Kana ucigadzira nzombe ɗuku kuti ciʋe cipiriso cinopiswa, kana ciɓayiro cokupika naco, kana kuti ɀiʋe ɀipiriso ɀokuyananisa naɀo kunaJehova; 9 pamŋe cete nenzombe ɗuku ŋgaaʋuye necipiriso coʋupfu ceɀegumi ɀitatu ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa nehafu yehini yamafuta. 10 Unofanira kupa ʋo hafu yehini yewaini, ciʋe cipiriso cinoɗururwa, ciʋe cipiriso cinoitwa pamŋoto, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. 11 Ŋgaɀiitwe saiɀoɀo panzombe imŋe neimŋe, kana gondobge rimŋe nerimŋe, kana gwaiana rimŋe nerimŋe, kana mbudzana imŋe neimŋe. 12 Munofanira kuitira cimŋe necimŋe saiɀoɀo, ɀienzane neɀose ɀamunogadzira. 13 Ʋose ʋanoɓerekerwa munyika yenyu ʋanofanira kuita iɀoɀo nenzira iyi, kana ʋaciʋuya necipiriso cinopiswa, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. 14 Kana kunomutorwa ugere nemi, kana aninani uri pakati penyu kuȿikira kumarudzi enyu ose, kana aciɗa kuʋuya necipiriso cinopiswa, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova; seɀamunoita imi, naiye unofanira kuita ʋo saiɀoɀo. 15 Paʋuŋgano yenyu panofanira kuʋa nomutemo mumŋe wenyu nowomutorwa ugere nemi, uʋe murairo usiŋgaperi, kuȿikira kumarudzi enyu ose; seɀamakaita imi, ndiɀo ɀinofanira kuita mutorwa pamberi paJehova. 16 Munofanira kuʋa nomurairo mumŋe netsika imŋe, imi nomutorwa ugere nemi. 17 Jehova akataura naMosesi, akati: 18 Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana muciȿika kunyika kwandinokuisai, 19 kana modya ɀokudya ɀenyika, munofanira kupa Jehova cipiriso cinotsaurwa. 20 Paɀitȿa ɀoʋupfu bgenyu munofanira kuʋuya neciŋgwa ciɗuku, ciʋe cipiriso cinotsaurwa; seɀamunoita necipiriso cinotsaurwa ceɓuriro, munofanira kucitsaura saiɀoɀo. 21 Munofanira kupa Jehova paɀitȿa ɀoʋupfu bgenyu cipiriso cinotsaurwa kuȿikira kumarudzi enyu ose. 22 Kana mucitadza, musiŋgaceŋgeti mirairo iyi yose, yakataurwa naJehova kunaMosesi, 23 ɀose ɀamakarairwa naJehova nomuromo waMosesi, kubva pazuʋa rakataŋga kuraira Jehova, kuȿikira kumarudzi enyu ose, 24 ɀino kana ɀiciŋge ɀaitwa ʋuŋgano isiŋgaziʋi, ʋuŋgano yose inofanira kuʋuya nenzombe imŋe ɗuku, ciʋe cipiriso cinopiswa, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova, pamŋe cete necipiriso caco coʋupfu, necipiriso caco cinoɗururwa, seɀakarairwa, nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi. 25 Muprista unofanira kuyananisira ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, ʋakaŋganwirwe; nokuti kwaiʋa kutadza, ʋakazoʋuya necipo caʋo pamberi paJehova, ciri cipiriso cinoitirwa Jehova pamŋoto, necipiriso ceɀiʋi pamsoro pokutadza kwaʋo. 26 Ipapo ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri icakaŋganwirwa, nomutorwa ugere pakati paʋo; nokuti ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋaɀiita haʋo nokusaziʋa. 27 Kana munhu mumŋe akatadza nokusaziʋa, unofanira kuʋuya neshece yembudzi yegore rimŋe, ciʋe cipiriso ceɀiʋi. 28 Ɀino muprista unofanira kuyananisira munhu wakatadza, kana akaita ɀiʋi nokusaziʋa, pamberi paJehova, kuti amuyananisire, akaŋganwirwe. 29 Munofanira kuʋa nomurairo mumŋe cete pamsoro pomunhu wakaita cinhu nokusaziʋa, kana ari munhu wakaɓerekerwa panyika pakati paʋana ʋaIsraeri, kana ari mutorwa ugere pakati paʋo. 30 Asi munhu unoita cinhu nokuɀikudza, kana ari munhu wakaɓerekerwa munyika, kana ari mutorwa, iye unomhura Jehova; munhu uyo unofanira kubviswa pakati porudzi rwake. 31 Nokuti wakaɀidza shoko raJehova, akaputsa murairo wake; munhu uyu unofanira kubviswa cose; mhoȿa yokutadza kwake iri pamsoro pake. Munhu wakaɗarika murairo wesaɓata unoʋurawa. 32 Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋaciri murenje, ʋakaʋona munhu aciʋuŋganidza tsotso nomusi wesaɓata. 33 Aʋo ʋakamuwana aciʋuŋganidza tsotso ʋakamuisa kunaMosesi naAroni, nokuʋuŋgano yose. 34 Ʋakamuisa mutoroŋgo, nokuti kwakaŋga kusina‐kurebga ɀaaifanira kuitirwa. 35 Jehova akati kunaMosesi: Munhu uyu, ɀirokwaɀo, unofanira kuʋurawa; ʋuŋgano yose inofanira kumutaka namabge kunze kwemisasa. 36 Ipapo ʋuŋgano yose yakamuisa kunze kwemisasa, ʋakamutaka namabge, akafa; seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. Ciratidzo cinofanira kuiswa paŋguʋo dzaʋo. 37 Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 38 Taura naʋana ʋaIsraeri, uʋaraire kuti ʋaɀiitire masa pamipendero yeŋguʋo dzaʋo, kuȿikira kumarudzi aʋo ose, ʋaise paisa rimŋe nerimŋe pamupendero rwonzi rutema. 39 Cinofanira kuʋa kwamuri isa ramuŋgasiʋona, mugoraŋgarira mirairo yose yaJehova, kuti muiite; kuti murege kuteʋera kuɗa kwomŋoyo yenyu nokwameso enyu, kwamaisiteʋera pakupata kwenyu; 40 kuti muraŋgarire nokuita mirairo yaŋgu yose, nokuʋa ʋatȿene kunaMŋari wenyu. 41 Ndini Jehova wenyu, wakakuɓuɗisai munyika yeEgipita, kuti ndiʋe Mŋari wenyu; ndini Jehova Mŋari wenyu. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society