Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 14 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


ƲaIsraeri ʋanofanira kugara makore makumi manna murenje.

1 Ɀino ʋuŋgano yose yakacema ɀikuru; ʋanhu ʋakacema ʋusiku ibgobgo.

2 Ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakapopotera Mosesi naAroni, ʋuŋgano yose ikati kwaʋari: Haiwa, Ƌai takafira heɗu munyika yeEgipita! Ƌai takafira heɗu murenje rino!

3 Jehova wakaʋuyireiko nesu munyika ino, tiʋurawe nomunondo? Ʋakadzi ʋeɗu naʋana ʋeɗu ʋacatapxa. Hakuzaiʋa nani kuti tidzokere Egipita here?

4 Ʋakataurirana, ʋakati: Ŋgatiɀitȿakire mukuru, tidzokere Egipita.

5 Ipapo Mosesi naAroni ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo pamberi peʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri.

6 NaJoshua, mŋanakomana waNuni, naKarebi, mŋanakomana waJefune, ʋakaŋga ʋandoshore‐nyika pamŋe cete naʋamŋe, ʋakabvarura ŋguʋo dzaʋo,

7 ʋakataura neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, ʋakati: Nyika yatakapfuʋura napakati payo kuishora, inyika yakanaka kwaɀo‐kwaɀo.

8 Kana Jehova acifara nesu, ucatiisa kunyika iyo, nokutipa iyo; inyika inoyerera mukaka noʋuci.

9 Asi regai kumukira Jehova, ʋuye musatya ʋanhu ʋenyika iyo, nokuti iʋo ɀokudya ɀeɗu; mumvuri waʋo wabviswa pamsoro paʋo, Jehova unesu, regai kutya.

10 Asi ʋuŋgano yose yakati ʋatakwe namabge. Ipapo kubginya kwaJehova kwakaʋonekwa mutente rokusoŋgana naʋana ʋaIsraeri ʋose.

11 Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ʋanhu aʋa ʋacandiɀidza kuȿikira riniko? Ʋacaramba kunditenda ini kuȿikira riniko, neɀishamiso ɀose ɀandakaita pakati paʋo?

12 Ndicaʋaroʋa neɗenda, nokuʋatorera nhaka yaʋo, ndikuite iwe rudzi runoʋakunda iʋo noʋukuru nesimba.

13 Mosesi akati kunaJehova: ƲaEgipita ʋacaɀinzwa, nokuti makaɓuɗisa ʋanhu aʋa pakati paʋo nesimba renyu;

14 ʋacaʋudza ʋanhu ʋagere munyika ino iɀoɀo; iʋo ʋakanzwa kuti imi Jehova muri pakati paʋanhu aʋa, nokuti imi Jehova munoʋonekwa naʋo pacena, gore renyu rinomira pamsoro paʋo, nemi munoʋatuŋgamirira masikati neshoŋgwe yegore, noʋusiku neshoŋgwe yomŋoto.

15 Ɀino kana mukaʋuraya ʋanhu aʋa ʋose‐ʋose, ndudzi dzaʋanhu, dzakanzwa mukurumbira wenyu, dzicataura, dziciti:

16 Jehova wakaŋga asiŋgagoni kuisa ʋanhu aʋa kunyika yaakaŋga aʋapikira, saka wakaʋaʋuraya murenje.

17 Ɀino ndinokumbira kuti simba raShe waŋgu riʋe guru, seɀamakataura, muciti:

18 Jehova unononoka kutsamŋa, unenyasha huru, unokaŋganwira ɀakaipa nokuɗarika; haaŋgatoŋgopembedzi munhu unemhoȿa; unoroʋa ʋana nokuɗa kweɀakaipa ɀamadziɓaɓa aʋo, kuȿikira kurudzi rwecitatu norwecinna.

19 Ndinokumbira kuti mukaŋganwire henyu ɀakaipa ɀaʋanhu aʋa noʋukuru bgenyasha dzenyu, ʋuye seɀamakakaŋganwira ʋanhu aʋa kubva Egipita kuȿikira ɀino.

20 Ipapo Jehova akati: Ndakaŋganwira seɀawakumbira.

21 Asi ɀirokwaɀo, noʋupenyu bgaŋgu, ʋuye nyika yose ɀaicazara nokubginya kwaJehova,

22 ʋarume aʋa ʋose ʋakaʋona kubginya kwaŋgu neɀiratidzo ɀaŋgu, ɀandakaita muEgipita nomurenje, ʋakandiidza ɀino runegumi, ʋasiŋgatereri inzwi raŋgu,

23 ɀirokwaɀo, haʋaŋgaʋoni nyika yandakapikira madziɓaɓa aʋo; hakunomumŋe waʋakandiɀidza ucaiʋona,

24 asi muranda waŋgu Karebi, nokuti wakaŋga anomumŋe mŋeya mukati make, akanditeʋera nomŋoyo wose, ndiye wandicapinza munyika maakambopinda; icaʋa yaʋana ʋake.

25 Ɀino ʋaAmareki naʋaKanani ʋaigara mumupata uyo; maŋgwana dzokai, muende kurenje nenzira inoenda kuGuŋgwa Dɀuku.

26 Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni, akati:

27 Ʋuŋgano iyi yakaipa icaramba icindinyunyutira kuȿikira riniko? Ndakanzwa kunyunyuta kwaʋana ʋaIsraeri, kwaʋanondinyunyutira nako.

28 Uti kwaʋari: Ɀanzi naJehova: Ɀirokwaɀo, noʋupenyu bgaŋgu, seɀamakataura munzeʋe dzaŋgu, ndiɀo ɀandicakuitirai.

29 Ɀitunha ɀenyu ɀicawira murenje rino; imi mose makaʋereŋgwa, nokuwanda kwenyu kwose, ʋose ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋakandinyunyutira,

30 ɀirokwaɀo, imi hamuŋgapindi munyika yandakupikirai, ndiciti, ndicakugarisai’mo, asi Karebi, mŋanakomana waJefune, naJoshua, mŋanakomana waNuni.

31 Asi ʋana ʋenyu ʋamakati ʋacatapxa, ndiʋo ʋandicapinza; iʋo ʋacaziʋa nyika yamakaramba imi.

32 Asi kana muri’mi, ɀitunha ɀenyu ɀicawira murenje rino.

33 Ʋana ʋenyu ʋacadzuŋgaira saʋafudzi murenje makore anamakumi manna, ʋacirobga nokuɗa kwokupata kwenyu, kuȿikira ɀitunha ɀenyu ɀaparadzwa murenje.

34 Samazuʋa amakaŋga mucishora nyika nawo, iwo mazuʋa anamakumi manna, saiɀoɀo mucaʋa nemhoȿa yokutadza kwenyu, zuʋa rimŋe nerimŋe ricaita gore rimŋe, ndiwo makore anamakumi manna, mugoziʋa kuti ndakakufuratirai.

35 Ini Jehova, ndakataura iɀoɀo, ndicaitira saiɀoɀo ʋuŋgano iyi yose yakaipa, yakaʋuŋgana kuzorwa neni; ʋacaparadzwa murenje rino, ʋacafira’po.

36 Ɀino ʋarume ʋakaŋga ʋatumŋa naMosesi kundoshora nyika, ʋaya ʋakadzoka ʋonyunyutisa ʋuŋgano yose pamsoro pake, ɀaʋakaʋuya namashoko akaipa pamsoro penyika iyo,

37 ʋarume aʋo ʋakaŋga ʋaʋuya neshoko rakaipa pamsoro penyika iyo, ʋakafa neɗenda pamberi paJehova.

38 Asi Joshua, mŋanakomana waNuni, naKarebi, mŋanakomana waJefune, ʋakasara ʋari ʋapenyu paʋarume ʋaya ʋakandoshora nyika.

39 Ɀino Mosesi wakaʋudza ʋana ʋaIsraeri mashoko iwaya ose; ʋanhu ʋakacema kwaɀo,

40 ʋakafumira maŋgwanani, ʋakakwira kumusoro wegomo, ʋakati: Tarirai, tiri pano heɗu, ticandokwira kwatakarairwa naJehova, nokuti tatadza.

41 Mosesi akati: Munoɗarikireiko murairo waJehova, nokuti mucaʋona nhamo.

42 Musakwira, nokuti Jehova haazi pakati penyu; kuti murege kuparadzwa naʋaʋeŋgi ʋenyu.

43 Nokuti ʋaAmareki naʋaKanani ʋari mberi kwenyu ipapo; mucaʋurawa nomunondo, nokuti makadzoka pakuteʋera Jehova, naiɀoɀo Jehova haaŋgaʋi nemi.

44 Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaidza haʋo kukwira kumusoro wegomo nokuɀikudza kwaʋo; asi areka yesuŋgano yaJehova hainakubva pamisasa, naiye Mosesi ʋo.

45 Ipapo ʋaAmareki naʋaKanani ʋakaŋga ʋagere mugomo iro ʋakaɓuruka, ʋakaʋaparadza nokuʋadziŋgirira kuȿikira paHorma.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies