Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 13 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Ʋashori ʋanegumi naʋaʋiri ʋanotumŋa Kanani.

1 Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:

2 Tuma ʋarume kuti ʋandoshora nyika yeKanani, yandicapa ʋana ʋaIsraeri; utume mumŋe worudzi rumŋe norumŋe rwamadziɓaɓa aʋo, ʋose ʋaʋe ʋakuru pakati paʋo.

3 Mosesi akaʋatuma, ʋakabva murenje reParani, nokuraira kwaJehova, ʋose ʋaʋo ʋari ʋarume ʋaiʋa ʋakuru ʋaʋana ʋaIsraeri.

4 Ndiwo mazita aʋo: Ʋokurudzi rwaRubeni, Shamua, mŋanakomana waZakuri.

5 Ʋokurudzi rwaSimeoni, Shafati, mŋanakomana waHori.

6 Ʋokurudzi rwaJuda, Karebi, mŋanakomana waJefune.

7 Ʋokurudzi rwaIsakari, Igari, mŋanakomana waJosefa.

8 Ʋokurudzi rwaEfraimi, Hoshea, mŋanakomana waNuni.

9 Ʋokurudzi rwaBenjamini, Parti, mŋanakomana waRafu.

10 Ʋokurudzi rwaZeburuni, Gadieri, mŋanakomana waSodi.

11 Ʋokurudzi rwaJosefa, irwo rudzi rwaManase, Gadi, mŋanakomana waSusi.

12 Ʋokurudzi rwaDani, Amieri, mŋanakomana waGemari.

13 Ʋokurudzi rwaAsheri, Seturi, mŋanakomana waMikaeri.

14 Ʋokurudzi rwaNaftari, Nabi, mŋanakomana waVofsi.

15 Ʋokurudzi rwaGadi, Geueri, mŋanakomana waMaki.

16 Ndiwo mazita aʋarume ʋakatumŋa naMosesi kundoshora nyika. Mosesi akatumidza Hoshea, mŋanakomana waNuni, zita rinonzi Joshua.

17 Mosesi akaʋatuma kundoshora nyika yeKanani, akati kwaʋari: Endai nenzira iyi yeZasi, mukwire mumakomo;

18 mundoʋone‐nyika, kuti yakaɗiniko, naʋanhu ʋagere’mo, kana ʋanesimba, kana ʋasina, kana ʋari ʋashoma, kana ʋari ʋazhinji;

19 nenyika ʋo yaʋagere’mo, kuti yakaɗiniko, kana yakanaka, kana yakaipa; namaguta maʋagere, kuti akaɗiniko, kana ʋagere mumisasa kana munhare;

20 nevu, kuti rakaɗiniko, kana rakaʋorera kana risinakuʋorera, kana panemiti kana pasinemiti; tsuŋgai mŋoyo, mugoʋuya neɀiɓereko ɀenyika iyo. Ɀino yaiʋa ŋguʋa yokutaŋga kuibva kwamazambiriŋga.

21 Naiɀoɀo ʋakakwira ʋakandoshorenyika, ʋacibva murenje reZini, kuȿikira Rehobi, paʋanopinda Hamati.

22 Ʋakapinda neZasi, ʋakaȿika Hebroni; ipapo pakaŋga panaAhimani naSheshai naTarmai, ʋanakomana ʋaAnaki. (Pakuʋakwa Hebroni rakataŋgira Zoani paEgipita namakore manomŋe.)

23 Ʋakandoȿika pamupata weEshkori, ʋakatema ɗaʋi raiʋa nesumbu rimŋe ramazambiriŋga, ʋakaritakura paɗanda pakati paʋanhu ʋaʋiri; ʋakaʋuya ʋo namatamba namaʋonde.

24 Nɀimbo iyo ʋakaitumidza mupata weEshkori nokuɗa kwesumbu rakatemŋa’po naʋana ʋaIsraeri.

25 Mazuʋa anamakumi manna akati apera, ʋakadzoka pakushore‐nyika.

26 Ʋakaȿika kunaMosesi naAroni neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, murenje reParani paKadeshi, ʋakaʋaʋudza mashoko nokuʋaratidza iʋo neʋuŋgano yose ɀiɓereko ɀenyika iyo.

27 Ʋakamuʋudza, ʋakati: Takaenda kunyika iyo kwamakatituma; ɀirokwaɀo inoyerera mukaka noʋuci; iɀi ndiɀo ɀiɓereko ɀayo.

28 Asi ʋanhu ʋagere munyika iyo ʋanesimba, maguta akakombga namaȿiŋgo, makuru kwaɀo; ʋuye, takaʋona’po ʋana ʋaAnaki.

29 ƲaAmareki ʋagere munyika neceZasi, naʋaHeti, naʋaJebusi, naʋaAmori ʋagere mumakomo; ʋaKanani ʋagere paguŋgwa, nokurutiʋi rwaJoridani.

30 Ipapo Karebi akanyaradza ʋanhu pamberi paMosesi, akati: Ŋgatikwire pakarepo, tindoitora, nokuti tinogona kwaɀo kuikunda.

31 Asi ʋamŋe ʋarume ʋakaŋga ʋakwira naye, ʋakati: Hatigoni kukwira kundorwa naʋanhu aʋo, nokuti ʋanotikurira nesimba.

32 Naiɀoɀo ʋakaʋuya kuʋana ʋaIsraeri neshoko rakaipa pamsoro penyika iyo, yaʋakaŋga ʋaenda kundoishora, ʋaciti: Nyika iyo yatakapfuʋura napakati payo kuishora, inyika inopedza ʋanhu ʋagere’mo; ʋanhu ʋose ʋatakaʋona’mo ʋaiʋa ʋarume ʋakakura kwaɀo.

33 Takaʋona’po ʋanhu ʋarefu, ʋana ʋaAnaki, ʋanobva paʋarefu; kana ticiɀifananidza, takaŋga takaita semhashu, ndoɀatakaŋga takaita kwaʋari ʋo.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies