Numeri 12 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Miriami unorobga namaperembudzi, nokuti iye naAroni ʋakamukira Mosesi. 1 Ɀino Miriami naAroni ʋakapopotera Mosesi nokuɗa kwomukadzi waiʋa muKushi, waakaŋga awana; nokuti wakaŋga awana mukadzi waiʋa muKushi. 2 Ʋakati: Ko Jehova wakataura naMosesi iye oga here? Ko haana‐kutaura nesu ʋo here? Jehova akaɀinzwa. 3 Ɀino munhu uyu Mosesi wakaŋga ari munhu munyoro kwaɀo, kupfuʋura ʋanhu ʋose ʋaiʋa panyika. 4 Jehova akataura pakarepo naMosesi naAroni naMiriami, akati: Ƃuɗai imi ʋatatu kutente rokusoŋgana. Iʋo ʋatatu ʋakaɓuɗa. 5 Ipapo Jehova akaɓuruka mushoŋgwe yegore, akamira mumukoʋa wetente rokusoŋgana, akaɗana Aroni naMiriami; iʋo ʋaʋiri ʋakaɓuɗa. 6 Ɀino akati: Tererai mashoko aŋgu; kana kunomuprofita pakati penyu, ini Jehova ndicaɀiziʋisa kwaari neciratidzo, ndicataura naye nokurota hope. 7 Muranda waŋgu Mosesi haana‐kuɗaro; wakatendeka paimba yaŋgu yose. 8 Iye ndicataura naye nomuromo, pacena, ndisiŋgatauri namashoko asiŋganzwisiswi; iye ucaʋona Jehova kuti wakaɗini; naiɀoɀo makaregereiko kutya kupopotera muranda waŋgu Mosesi? 9 Ipapo kutsamŋa kwaJehova kwakaʋamukira, iye akabva. 10 Gore rikabva pamsoro petente rokusoŋgana, ʋonei Miriami waʋa namaperembudzi, akacena secando; Aroni akatarira Miriami, ʋonei waʋa namaperembudzi. 11 Ɀino Aroni akati kunaMosesi: Haiwa, Ishe waŋgu, musaisa mhoȿa yeɀiʋi pamsoro peɗu, kunyaŋge takaita heɗu noʋupenzi, tikatadza. 12 Ŋgaarege kuʋa somŋana wakaɓerekwa akafa, imŋe nyama yake yakaʋora pakuɓuɗa kwake paɗumbu ramai ʋake. 13 Ɀino Mosesi akacema kunaJehova, akati: Haiwa Mŋari, ɗomuporesai henyu. 14 Jehova akati kunaMosesi: Ƌai ɓaɓa ʋake ʋakaŋga ʋamupfira mate kuciso cake, haazaifanira kunyara mazuʋa manomŋe here? Ŋgaaɓuɗiswe kunze kwemisasa mazuʋa manomŋe, agopinzwa pashure. 15 Ipapo Miriami akaɓuɗiswa kunze kwemisasa mazuʋa manomŋe, ʋanhu ʋakasafamba, kuȿikira Miriami adzoswa ɀe. 16 Shure kwaiɀoɀo ʋanhu ʋakasimuka ʋakabva Hazeroti, ʋakandodzika matente aʋo murenje reParani. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society