Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 11 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Ʋanhu ʋanonyunyuta paTabera.

1 Ɀino ʋanhu ʋakaita saʋanyunyuti, ʋakataura ɀakaipa munzeʋe dzaJehova; ipapo Jehova wakati aɀinzwa, akatsamŋa kwaɀo, mŋoto waJehova ukapfuta pakati paʋo, ukaparadza kumudziʋo wemisasa.

2 Ʋanhu ʋakacema kunaMosesi, Mosesi akanyeŋgetera kunaJehova, mŋoto ukadzimŋa.

3 Zita renɀimbo iyo rikanzi Tabera, nokuti mŋoto waJehova wakapfuta’po pakati paʋo.


Ʋanhu ʋanonyunyuta ɀe paKibroti‐hataʋa; ʋanopiwa ɀihuta.

4 Ɀino ʋatorwa ʋazhinji, ʋakaŋga ʋari pakati paʋo, ʋakataŋga kufa nenhomba yenyama; naʋana ʋaIsraeri ʋakacema ʋo, ʋakati: Ndianiko ucatipe‐nyama kuti tidye?

5 Tinoraŋgarira hoʋe dzataidya Egipita, tisiŋgateŋgi, namakake, namaŋwiwa, nerikisi, nehanyanisi, negariki.

6 Asi ɀino mŋeya yeɗu yawoma, hapaneɀokudya cose, hapanecinhu catinoʋona, asi mana iyi ɓedzi.

7 Mana yakaŋga yakafanana nembeu dzekorianderi, yakaŋga yakaita sebedaro.

8 Ʋanhu ʋaipararira kundoinoŋga, ʋakaikuya pamakuyo, kana kuiswa mumaturi, nokuiɓika muhari, nokuita ɀiŋgwa ɀiɗuku nayo; kana yodyiwa yakaita seɀiŋgwa ɀakaɓikwa namafuta.

9 Kana ɗoʋa riciwira pamisasa ʋusiku, mana yakawa ʋo pamŋe cete naro.

10 Ɀino Mosesi wakanzwa ʋanhu ʋacicema padzimba dzaʋo dzose, mumŋe nomumŋe pamukoʋa wetente rake; Jehova akatsamŋa kwaɀo; naiye Mosesi wakanga asiŋgafari.

11 Mosesi akati kunaJehova: Makaitireiko muranda wenyu ɀakaipa? Ndakaregereiko kunzwirwa nyasha nemi, ɀamakanditakudza mutoro waʋanhu aʋa ʋose?

12 Ko ndini ndakagamucira ʋanhu aʋa ʋose here? Ko ndini ndakaʋaɓereka here, ɀamunoti kwandiri: Uʋatakure pacifuʋa cako, somureri unotakura mŋana unomŋa, uʋaise kunyika yamakapikira madziɓaɓa aʋo?

13 Ndicawanepiko nyama yandiŋgapa ʋanhu aʋa ʋose? Nokuti ʋanondicemera, ʋaciti: Tipe nyama, tidye.

14 Handigoni kutakura ʋanhu aʋa ʋose ndoga, nokuti ɀinondiremera kwaɀo.

15 Kana muciɗa kundiitira saiɀoɀo, cindiʋurayai henyu kamŋe, kana ndanzwirwa nyasha nemi; ndirege haŋgu kuʋona ʋurombo bgaŋgu.

16 Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ʋuŋganidza kwandiri ʋarume ʋanamakumi manomŋe ʋaʋakuru ʋaIsraeri, ʋaunoziʋa kuti ʋakuru ʋaʋanhu, naʋatariri ʋaʋo, uʋuye naʋo patente rokusoŋgana, kuti ʋamire’po newe.

17 Ipapo ndicaɓuruka, nditaure newe ipapo; ɀino ndicatora pamŋeya uri pamsoro pako, ndikauisa pamsoro paʋo; iʋo ʋacatakura mutoro waʋanhu pamŋe cete newe, kuti urege kuutakura iwe woga.

18 Ɀino iwe uti kuʋanhu: Ɀinatsirei maŋgwana, nokuti mucadyenyama; nokuti makacema munzeʋe dzaJehova, muciti: Ndianiko ucatipe‐nyama, tidye? Nokuti takaŋga ticifara heɗu Egipita. Naiɀoɀo Jehova ucakupai nyama, mudye.

19 Hamuŋgadyi zuʋa rimŋe, kana mazuʋa maʋiri, kana mazuʋa mashanu, kana mazuʋa anegumi, kana mazuʋa anamakumi maʋiri;

20 asi mŋedzi wose, kuȿikira iciɓuɗa kumhino dzenyu, ikakusemesai; nokuti makarasha Jehova uri pakati penyu, mukacema pamberi pake, muciti: Takaɓuɗireiko Egipita?

21 Ɀino Mosesi akati: Ʋanhu aʋa, ʋandiri pakati paʋo, ʋanofamba namakumbo, ʋanoȿika ɀuru ɀinamazana matanhatu, ɀino moti: Ndicaʋape‐nyama, ʋaidye mŋedzi wose!

22 Ko ʋacaɓayirwa makwai neŋombe, kuti ʋariŋgane here? Kana ʋaŋgaʋuŋganidzirwa hoʋe dzose dziri muguŋgwa, kuti ʋariŋgane here?

23 Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Ko ruʋoko rwaJehova rwakafupiswa here? Ucaʋona hako ɀino kana shoko raŋgu riciitika kana risiŋgaitiki.

24 Ipapo Mosesi akaɓuɗa, akandoʋudza ʋanhu mashoko aJehova; akaʋuŋganidza ʋanhu ʋanamakumi manomŋe ʋaʋakuru ʋaʋanhu, akaʋapotedza Tente.

25 Ipapo Jehova akaɓuruka mugore, akataura naye, akatora pamŋeya wakaŋga uri pamsoro pake, akauisa pamsoro paʋakuru aʋo ʋanamakumi manomŋe; ɀino mŋeya wakati ucigara pamsoro paʋo, iʋo ʋakaprofita, asi haʋana‐kuzoita ɀe saiɀoɀo.

26 Asi ʋarume ʋaʋiri ʋakasara pamisasa, zita romumŋe rainzi Erdadi, nezita romumŋe Medadi; mŋeya ukagara pamsoro paʋo, nokuti ʋakaŋga ʋakanyorwa, asi haʋana‐kuɓuɗira kuTente; ʋakaprofita pamisasa.

27 Ɀino mumŋe mukomana wakamhanya, akandoʋudza Mosesi, akati: Erdadi naMedadi ʋanoprofita pamisasa.

28 Ipapo Joshua, mŋanakomana waNuni, muranda waMosesi kubva paʋujaya bgake, akapindura, akati: Ishe waŋgu, Mosesi, ʋadziʋisei.

29 Mosesi akati kwaari: Ko uneshuŋgu nokuɗa kwaŋgu here? Ƌai ʋanhu ʋose ʋaJehova ʋaiʋa ʋaprofita, Jehova akaisa mŋeya wake pamsoro paʋo!

30 Ipapo Mosesi akaenda kumisasa, iye naʋakuru ʋaIsraeri.

31 Ɀino mhepo yakabva kunaJehova, ikaʋuyisa ɀihuta, ɀaibva kuguŋgwa, ikaɀikandira pamisasa kumatiʋi ose, ɀikaita rwendo rwezuʋa rimŋe kurutiʋi rumŋe, norwendo rwezuʋa rimŋe ɀe kunorumŋe rutiʋi rwemisasa, nomurwi wakakwirira makubiti maʋiri pamsoro penyika.

32 Ɀino ʋanhu ʋakasimuka zuʋa iro rose, noʋusiku ubgo bgose, neramaŋgwana rose, ʋakaʋuŋganidza ɀihuta. Wakaʋuŋganidza ɀishoma wakaʋuŋganidza mahomeri anegumi, ʋakaɀinika kumatiʋi ose emisasa.

33 Nyama yakaŋga iciri pakati pameno aʋo, isati yatseŋgwa, kutsamŋa kwaJehova kukamukira ʋanhu, Jehova akaroʋa ʋanhu nehosha yakaipa kwaɀo.

34 Naiɀoɀo nɀimbo iyo yakatumidzwa Kibroti‐hataʋa, nokuti ndipo paʋakaʋiga ʋanhu ʋakaŋga ʋafa nenhomba yenyama.

35 Ʋanhu ʋakasimuka ʋakabva Kibroti‐hataʋa ʋakaȿika Hazeroti; ʋakagara paHazeroti.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies