Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Nahumi 1 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Jehova unotsiʋa ʋaʋeŋgi ʋake, asi unoruramisira ʋanhu ʋake.

1 Cireʋo caMŋari pamsoro peNineve. Buku yeɀakaʋonekwa naNahumi muErkoshi.

2 Jehova ndiye Mŋari unegoɗo, unotsiʋa; Jehova unotsiʋa, uzere nehasha; Jehova unotsiʋa ʋadziʋisi ʋake, unoceŋgetera ʋaʋeŋgi ʋake hasha dzake.

3 Jehova haakurumidzi kutsamŋa, unesimba guru, haaŋgatoŋgopembedzi unemhoȿa; nzira yaJehova iri pakati pecampupuri neɗutu, makore iguruʋa retsoka dzake.

4 Unotuka guŋgwa, aciriwomesa, unopxisa nzizi dzose; Bashani rinoshaiwa siniba, ʋuye Karmeri, ruʋa reRebanoni rinoshaiwa simba.

5 Makomo anoɗeɗera pamberi pake, ɀikomo ɀinonyauka; nyika inosimuka pamberi pake, ɀirokwaɀo, iyo nyika naʋose ʋagere’po.

6 Ndiani uŋgamira pamberi pehasha dzake? Ndiani uŋgaramba amire pakutsamŋa kwake kukuru? Hasha dzake dzakaɗururwa somŋoto, matombo akaputsanyiwa naye.

7 Jehova wakanaka, inhare nezuʋa rokutambudzika; iye unoziʋa ʋanotizira kwaari.

8 Asi ucaparadza kwaɀo nɀimbo yeguta nemvura inokukura, acidziŋgana naʋaʋeŋgi ʋake kuȿikira murima.

9 Munoraŋgarireiko pamsoro paJehova? Iye ucaparadza cose; nhamo haiŋgamuki ɀe rwecipiri.

10 Nokuti kunyaŋge ʋakakorekana seminzwa, kana kuita saʋakaɓatwa neɀaʋakanwa, ʋacaparadzwa cose samashaŋga akawoma.

11 Mumŋe wakaɓuɗa pakati penyu unoraŋgarira ɀakaipa pamsoro paJehova, unoraŋgana ɀisinamaturo.

12 Ɀanzi naJehova: Kunyaŋge ʋanesimba raʋo rose, ʋakawanda ʋo, kunyaŋge ɀakaɗaro ʋacatemŋa, iye ucaparara. Kunyaŋge ndakakutambudzai, handiŋgazokutambudziyi ɀe.

13 Ɀino ndicavuna joko rake, ribve kwamuri, ndicaɗamburanya ɀisuŋgo ɀenyu.

14 Jehova wakaraira pamsoro penyu, kuti ʋezita renyu ʋarege kuzodɀarwa ɀe; mumba maʋamŋari ʋenyu ndicaparadza ɀifananidzo ɀakaʋezwa neɀifananidzo ɀakaʋumbga; ndicakucererai bgiro; nokuti makashata kwaɀo.

15 Tarirai pamakomo tsoka dzounoʋuya namashoko akanaka, unoparidza rugare! Itai mitambo yenyu, imi Juda, itai ɀamakapika, nokuti wakaipa haaŋgazopfuʋuri ɀe napakati penyu; wakaparadzwa cose.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Volg ons:



Advertensies