Mupiro 1 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Mirairo yeɀipiriso ɀinopiswa. 1 Ɀino Jehova wakaɗana Mosesi, akataura naye ari mutente rokusoŋgana, akati: 2 Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana mumŋe wenyu aciɗa kuʋigira Jehova cipo cake, munofanira kumuʋigira ɀipo ɀenyu ɀeɀipfuwo, kana ɀeŋombe kana ɀamakwai. 3 Kana cipo cake ciri cipiriso cinopiswa ceŋombe, unofanira kuʋigira mukono usinemhoȿa; ŋgaaciɓayire pamukoʋa wetente rokusoŋgana, kuti agamucirwe pamberi paJehova. 4 Ɀino ŋgaaise ruʋoko rwake pamusoro wecipiriso cinopiswa, kuti cigamucirwe panɀimbo yake, cimuyananisire. 5 Ŋgaaɓaye nzombe pamberi paJehova, ʋanakomana ʋaAroni, ʋaprista, ʋagoʋuya neropa, ʋasase ropa kunhiʋi dzose dzeartari, iri pamukoʋa wetente rokusoŋgana. 6 Ɀino ŋgaaviye cipiriso cinopiswa, nokucigura‐gura. 7 Ɀino ʋanakomana ʋaAroni, muprista, ŋgaʋaise mŋoto paartari, nokugadzira ʋo huni pamsoro pomŋoto. 8 Ipapo ʋanakomana ʋaAroni, ʋaprista, ʋanofanira kugadzira nhindi, nomusoro, namafuta pamsoro pehuni dziri pamŋoto uri pamsoro peartari. 9 Asi ŋgaasuke ʋura bgaco namakumbo aco nemvura, muprista agopisa ɀose paartari, ciʋe cipiriso cinopiswa, cipiriso cinoitwa nomŋoto, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. 10 Kana cipo cake ciri cipiriso cinopiswa ceɀipfuwo ɀiɗuku ɀamakwai kana mbudzi, unofanira kuʋigira mukono usinemhoȿa. 11 Ŋgaaciɓaye parutiʋi rweartari necokumsoro pamberi paJehova; ɀino ʋanakomana ʋaAroni, ʋaprista, ʋanofanira kusasa ropa raco kunhiʋi dzose dzeartari. 12 Ipapo unofanira kugura‐gura nhindi pamŋe cete nomusoro waco namafuta aco, muprista agoɀigadzira pamsoro pehuni dziri pamŋoto pamsoro peartari. 13 Asi ʋura namakumbo ŋgaaɀisuke nemvura, muprista agoɀiɓayira ɀose, nokuɀipisira paartari, kuti ciʋe cipiriso cinopiswa, cipiriso cakaitwa nomŋoto, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. 14 Kana cipo cake kunaJehova ciri cipiriso cinopiswa ceshiri, ŋgaaʋigire ciɓayiro cake cenjiʋa, kana twana twenjiʋa. 15 Ɀino muprista unofanira kuciisa paartari, ndokugura musoro ndokuupisa paartari, agoɗonhedzera ropa raco parutiʋi rweartari; 16 ɀino unofanira kutora cihururu cayo neminheŋga yayo, ndokuɀirasha kurutiʋi rweartari kumaɓuɗazuʋa kunorashwa maɗota. 17 Ipapo unofanira kuibvambura namapapiro ayo asiŋgaiparadzanisi, muprista agoipisa paartari pamsoro pehuni dziri pamŋoto; ico cipiriso cinopiswa, cipiriso cakaitwa nomŋoto, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society