Mika 1 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Israeri naJuda ʋacaparadzwa nokuɗa kweɀiʋi ɀaʋo. 1 Shoko raJehova, rakaʋuya kunaMika weMoresheti namazuʋa aJotami naAhazi naHezekia, madzimambo aJuda, raakaʋona pamsoro peSamaria neJerusarema. 2 Inzwai imi marudzi aʋanhu, imi mose; terera iwe nyika, neɀose ɀiri’mo; Ishe Jehova ŋgaakupupurirei, iye Ishe ari mutembere yake tȿene. 3 Nokuti tarirai, Jehova unoɓuɗa panɀimbo yake, ucaɓuruka nokutsika panɀimbo dzakakwirira dzenyika. 4 Makomo acanyauka pasi pake, mipata icapamuka senamo yakaiswa pamŋoto, semvura inoɗururwa pamawere. 5 Ɀose iɀi ɀinoitwa nokuɗa kwokuɗarika kwaJakobo, ʋuye nokuɗa kweɀiʋi ɀeimba yaIsraeri. Kuɗarika kwaJakobo ndokweiko? Harizi Samaria here? Nɀimbo dzakakwirira dzaJuda ndedzipiko? Harizi Jerusarema here? 6 Saka Samaria ndicariita somurwi wamabge musaŋgo, senɀimbo dziŋgasimŋa mizambiriŋga; ndicakandira mabge aro mumupata, ndicifukunura nheyo dzaro. 7 Mifananidzo yaro yose yakaʋezwa icaputswa‐putswa, miɓairo yaro yose icapiswa nomŋoto, ʋuye ndicaparadza ɀifananidzo ɀaro ɀose; nokuti rakaɀiʋuŋganidza iɀo uri muɓairo wecifeʋe, naiɀoɀo ɀicadzokera ɀe kumuɓairo wecifeʋe. 8 Nemhaka iyi ndicacema nokuwuŋgudza, ndicafamba ndisineŋguʋo ndakashama, ndicawuŋgudza samakaʋa nokurira semhou. 9 Nokuti maʋaŋga aro haaɗi kupora, nokuti ɀaȿika kunaJuda ʋo; ɀaȿikira pasuʋo raʋanhu ʋaŋgu, ipo paJerusarema. 10 Musaɀireʋa paGati, regai kutoŋgocema; paBeti‐re‐Afra ndakaʋumburuka muguruʋa. 11 Cibva uende, iwe ugere Shafiri, wakashama ucinyara; ugere Zaanani haana‐kuɓuɗa; kuwuŋgudza kweBeti‐ezeri kucakutorera pokumira. 12 Nokuti ugere Maroti unomirira ɀikuru cinhu cakanaka, nokuti ɀakaipa ɀakaɓuruka ɀicibva kunaJehova ɀikaȿikira kusuʋo reJerusarema. 13 Iwe ugere Rakishi, suŋga mabiza paŋgoro; ndiro rakataŋga kuisa mukunda weZioni paɀiʋi, nokuti kuɗarika kwaIsraeri kwakawanikwa mauri. 14 Saka iwe ucapa Moresheti‐gati cipo cokuwonekana; dzimba dzeAkzibi dzicaʋa cinhu cinonyeŋgera madzimambo aIsraeri. 15 Iwe ugere Maresha, ndicakuʋuyisira mumŋe ucakukunda; ʋakakudzwa ʋaIsraeri ʋacaȿika paAdurami. 16 Ɀiitire mhazha, ʋeʋura vudzi rako pamsoro paʋana ʋaunofarira; kurisa mhazha yako seyegondo, nokuti ʋakatapxa kure newe. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society